Genesisi 49:24-25
Genesisi 49:24-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi uta hwake hwakaramba hwakasimba, maoko ake akasimba, akagwinya, nokuda kworuoko rwaIye Anesimba waJakobho, nokuda kwoMufudzi, iye Dombo raIsraeri, nokuda kwaMwari wababa vako anokubatsira, nokuda kwoWamasimba Ose anokuropafadza namaropafadzo okumatenga kumusoro, maropafadzo okwakadzika kuri pasi, maropafadzo amazamu neechizvaro.
Genesisi 49:24-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
asi uta hwake hwakaramba une simba, Maoko ezvanza zvake akasimbiswa Namaoko owaMasimbaose waJakobho, (Ndipo panobva Mufudzi, neBwe raIsiraeri), Mwari wababa vako achakubatsira; waMasimbaose, achakuropafadza, Neropafadzo dzinobva kudenga kumusoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzechizvaro.
Genesisi 49:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi uta hwaJosefi hunoramba hwakatsigirwa. Maoko ake achiramba akasimbaradzwa, nesimba raiye Samasimbaose, waJakobho ndiye mufudzi ndiye bako raIsiraeri. Mwari wababa vako ngaakubatsire, iye Aripagomo akukomborere. Akukomborere nokukunayisira mvura, akupewo mvura inobva muvhu. Ngaakomborere madzimai enyu agobereka vana vavanozoyamwisa, akomborerewo zvipfuwo zvenyu zvigobereka vana vokuyamwisa.
Genesisi 49:24-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ʋuta bgake bgakaramba ʋunesimba, Maʋoko eɀanza ɀake akasimbiswa Namaʋoko oWamasimba ose waJakobo, (Ndi’po panobva Mufudzi, neBge raIsraeri), Mŋari waɓaɓa ʋako ucakuɓatsira; Wamasimba ose, ucakuropafadza Neropafadzo dzinobva kuɗeŋga kumsoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzeciɀaro.
Genesisi 49:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)