Genesisi 48:15-16
Genesisi 48:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akaropafadza Josefa akati, “Mwari uyo madzibaba angu, ivo Abhurahama naIsaka, vakafamba pamberi pake, iye Mwari akanga ari mufudzi wangu upenyu hwangu hwose kusvikira nhasi, Mutumwa akandisunungura kubva pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vakomana ava. Ngavadanwe nezita rangu uye namazita amadzibaba angu Abhurahama naIsaka, uye ngavawande zvikuru pamusoro penyika.”
Genesisi 48:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akaropafadza Josefa, akati, “Mwari uya, akafamba madzibaba angu pamberi pake, vana Abhurahamu naIsaka, Mwari akandifudza paupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi; mutumwa wakandidzikinura pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vanakomana ava; zita rangu ngaritumidzwe kwavari, namazita amadzibaba angu, Abhurahamu naIsaka, vawande kwazvo panyika.”
Genesisi 48:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jakobho akakomborera Josefi achiti, “Mwari aiteverwa namadzibaba angu Abhurahamu naIsaki, Mwari akava mufudzi wangu muupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi, iye mutumwa waMwari aindinunura pose pandainge ndawirwa nenjodzi, ngaakomborerewo vakomana ava. Zita rangu namazita amadzibaba angu Abhurahamu naIsaki ngaarege kurova pavana ivava. Mwari ngaavape vana vazhinji.”
Genesisi 48:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaropafadza Josefa, akati: Mŋari uya, wakafamba madziɓaɓa aŋgu pamberi pake, ʋana‐Abrahama naIsaka, Mŋari wakandifudza paʋupenyu bgaŋgu bgose kuȿikira zuʋa ranhasi; mutumŋa wakandidzikinura paneɀakaipa ɀose, ŋgaaropafadze ʋakomana aʋa; zita raŋgu ŋgaritumidzwe kwaʋari, namazita amadziɓaɓa aŋgu, Abrahama naIsaka, ʋawande kwaɀo panyika.
Genesisi 48:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)