Genesisi 47:5-6
Genesisi 47:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Faro akati kuna Josefa, “Baba vako namadzikoma ako vauya kwauri, uye nyika yeIjipiti iri pamberi pako; garisa baba vako namadzikoma ako panzvimbo yakanakisisa munyika ino. Ngavagare muGosheni. Uye kana uchiziva kuti pakati pavo pane vamwe vane zvavanokwanisa kuita, uvaite kuti vave vatariri vezvipfuwo zvangu.”
Genesisi 47:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Farao akataura naJosefa, akati, “Baba vako navana vababa vako vauya kwauri; nyika yeIjipiti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo yakaisvonaka panyika ino, ngavagare panyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu.”
Genesisi 47:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Farao akati kuna Josefi, “Baba vako navakoma vako vauya kwauri. Nyika yeIjipiti ndiyoyi yose yauri kuona iyi. Hama dzako ngadzigare zvadzo padzinoda pakadzinakira munyika ino. Ngavagare zvavo kudunhu reGosheni. Kana uchiziva kuti pane vamwe vavo nyanzvi dzamabasa vape ukuru pabasa rokuchengeta zvipfuwo zvangu.”
Genesisi 47:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Farao akataura naJosefa, akati: Ƃaba ʋako naʋana ʋaɓaɓa ʋako ʋaʋuya kwauri; nyika yeEgipita iri pamberi pako; ɓaɓa ʋako naʋana ʋaɓaɓa ʋako ŋgaʋagare panɀimbo yakaiȿo‐naka ʋanyika ino, ŋgaʋagare panyika yeGosheni; kana uciziʋa kuti pakati paʋo panaʋarume ʋakaŋgwara, uʋaite ʋatariri ʋeŋombe dzaŋgu.
Genesisi 47:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)