Genesisi 46:29
Genesisi 46:29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Josefa akaita kuti ngoro yake igadzirirwe uye akaenda kuGosheni kundosangana nababa vake Israeri. Josefa paakangosvika pamberi pavo, akambundikira baba vake uye akachema kwenguva refu.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 46Genesisi 46:29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 46Genesisi 46:29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Josefi akapinda mungoro yake akaenda kuGosheni kundochingura baba vake, Isiraeri. Akasvikoona baba vake akatora nguva ndefu akavambundira achihwihwidza kuchema.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 46