Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 41:9-13 - Compare All Versions

Genesisi 41:9-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo mudiri mukuru akati kuna Faro, “Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu. Pane imwe nguva Faro akatsamwira varanda vake, uye akandipfigira ini nomubiki mukuru mumba momukuru wavarindi. Mumwe nomumwe wedu akarota hope usiku humwe chetehwo, uye kurota kumwe nokumwe kwaiva nedudziro yako. Zvino jaya rechiHebheru rakanga rinesu, iye muranda womukuru wavarindi, takamuudza kurota kwedu, iye akakududzira kwatiri, achipa murume mumwe nomumwe dudziro yehope dzake. Uye zvinhu zvakaitika chaizvo sezvaakadudzira kwatiri: Ini ndakadzoserwa pabasa rangu, uye mumwe murume uye akasungirirwa.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 41 BDSC

Genesisi 41:9-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ipapo mukuru wavadiri akaudza Farao, akati, “Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu; Farao akanga akatsamwira varanda vake, mukandisunga, ndikachengetwa mumba momukuru wavarindi, ini nomukuru wavabiki; tikarota hope nousiku humwe, ini naiye; tikarota mumwe nomumwe hope dzine dudziro yadzo. Zvino ipapo pakanga panesu jaya romuHebheru, muranda womukuru wavarindi; tikamuudza, iye akatidudzira kurota kwedu; akadudzira mumwe nomumwe sezvaakarota. Zvikazoitika sezvaakatidudzira; ini ndakadzoserwa kubasa rangu, asi iye akasungirirwa.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 41 SNA2002

Genesisi 41:9-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ipapo mukuru waʋaɗiri akaʋudza Farao, akati: Nhasi ndinoraŋgarira kutadza kwaŋgu; Farao wakaŋga akatsamŋira ʋaranda ʋake, mukandisuŋga, ndikaceŋgetwa mumba momukuru waʋarindi, ini nomukuru waʋaɓiki; tikarota hope noʋusiku ʋumŋe, ini naiye; tikarota mumŋe nomumŋe hope dzineɗudziro yadzo. Ɀino ipapo pakaŋga panesu jaya romuHeberu, muranda womukuru waʋarindi; tikamuʋudza, iye akatiɗudzira kurota kweɗu; akaɗudzira mumŋe nomumŋe seɀaakarota. Ɀikazoitika seɀaakatiɗudzira; ini ndikadzoserwa kuɓasa raŋgu, asi iye wakasuŋgirirwa.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 41 SUB1949

Genesisi 41:9-13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ipapo mukuru mukuru wokuona nezvewaini akataura kuna Farao achiti, “Nhasi uno ndayeuchidzwa kutadza kwangu. Handiti imi mambo makambotishatirirwa isu varanda venyu, ini nomukuru mukuru wevabiki, makatisunga tikaiswa mujeri, mumba yomukuru wavachengeti vokwamambo. Tose tiri vaviri takarota hope usiku humwechete. Hope dzomumwe nomumwe wedu dzaiva nezvedzaireva. Takanga tiine rimwe jaya rechiHebheru raiva muranda womukuru wavachengetedzi iyeyo. Takamurondedzera hope dzedu, iye akabva adudzira chiroto chimwe nechimwe. Zvose zvaakadudzira, ndizvo zvakazoitika kwatiri. Ini ndakadzorerwa pabasa rangu, mubiki akasungirirwa akafa.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 41 SCLB

Genesisi 41:9-13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ipapo mukuru mukuru wokuona nezvewaini akataura kuna Farao achiti, “Nhasi uno ndayeuchidzwa kutadza kwangu. Handiti imi mambo makambotishatirirwa isu varanda venyu, ini nomukuru mukuru wevabiki, makatisunga tikaiswa mujeri, mumba yomukuru wavachengeti vokwamambo. Tose tiri vaviri takarota hope usiku humwechete. Hope dzomumwe nomumwe wedu dzaiva nezvedzaireva. Takanga tiine rimwe jaya rechiHebheru raiva muranda womukuru wavachengetedzi iyeyo. Takamurondedzera hope dzedu, iye akabva adudzira chiroto chimwe nechimwe. Zvose zvaakadudzira, ndizvo zvakazoitika kwatiri. Ini ndakadzorerwa pabasa rangu, mubiki akasungirirwa akafa.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 41 SCLBD