Genesisi 4:15 - Compare All Versions
Genesisi 4:15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehovha akati kwaari, “Kwete hazvingadaro; kana munhu upi zvake akauraya Kaini, achatsiviwa kanomwe.” Ipapo Jehovha akaisa rupau pana Kaini kuitira kuti kurege kuva nomunhu anenge amuwana angazomuuraya.
Genesisi 4:15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akati kwaari, “Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe.” Jehovha ndokuisira Kaini chiratidzo, kuti munhu anozomuwana arege kumuuraya.
Genesisi 4:15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Asi Tenzi akati, “Kwete. Ani naani anenge auraya Kaini anotsiviwa kakapetwa kanomwe.” Tenzi akaisa Kaini rupawo kuitira kuti munhu anenge azomuona arege kumuuraya.
Genesisi 4:15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Jehova akati kwaari: Naiɀoɀo aninani unoʋuraya Kaini ucatsibga kanomŋe. Jehova ndokuisira Kaini ciratidzo, kuti munhu unozomuwana arege kumuʋuraya.
Genesisi 4:15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Tenzi akati, “Kwete. Ani naani anenge auraya Kaini anotsiviwa kakapetwa kanomwe.” Tenzi akaisa Kaini rupawo kuitira kuti munhu anenge azomuona arege kumuuraya.