Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 4:1-2 - Compare All Versions

Genesisi 4:1-2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, “Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume.” Mushure akabereka mununʼuna wake Abheri. Zvino Abheri aiva mufudzi wamakwai, uye Kaini aiva murimi wevhu.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 4 BDSC

Genesisi 4:1-2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Adhamu wakaziva mukadzi wake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati, “Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha.” Akazoponazve mun'una wake Abhero. Abhero wakanga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakanga ari murimi wevhu.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 4 SNA2002

Genesisi 4:1-2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Adhamu akaziva mukadzi wake Evha. Evha akabva ava napamuviri akabereka mwana mukomana, Kaini. Akati, “Ndabatsirwa naTenzi kuwana mumwe munhu.” Akaberekazve munun'una wake Abhero. Abhero akazova mupfuwi wehwai, Kaini ari murimi.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 4 SCLBD

Genesisi 4:1-2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Adama wakaziʋa mukadzi wake Eva; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati: Ndawana munhu, ndiciɓatsirwa naJehova. Akazopona ɀe munuŋuna wake Aberi. Aberi wakaŋga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakaŋga ari murimi wevu.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 4 SUB1949

Genesisi 4:1-2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Adhamu akaziva mukadzi wake Evha. Evha akabva ava napamuviri akabereka mwana mukomana, Kaini. Akati, “Ndabatsirwa naTenzi kuwana mumwe munhu.” Akaberekazve munun'una wake Abhero. Abhero akazova mupfuwi wehwai, Kaini ari murimi.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 4 SCLB