Genesisi 39:11-12
Genesisi 39:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva akapinda mumba kuti andoita mabasa ake, uye kwakanga kusina mumwe wavashandi vomumba aivamo. Akamubata nejasi rake uye akati, “Uya kumubhedha uzovata neni!” Asi akasiya jasi rake muruoko rwake akamhanya ndokubuda kunze kwemba.
Genesisi 39:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo. Ipapo akamubata nguo yake, akati, “Vata neni;” iye akasiya nguo yake muruoko rwake, akabuda panze.
Genesisi 39:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe musi Josefi akapinda mumba achindoita basa rake, vamwe varanda vakanga vasimo. Pakarepo mudzimai uyu akamuti ndu-u hanzu yake achiti, “Rara neni.” Ipapo Josefi akapukunyura akabva asiya hanzu yake muruoko rwomudzimai uyu ndokutizira panze.
Genesisi 39:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
neŋguʋa iyo akapinda mumba kuti aɓate‐ɓasa rake; makaŋga musinaʋamŋe ʋarume ʋeimba imomo. Ipapo akamuɓata ŋguʋo yake, akati: Ʋata neni; iye akasiya ŋguʋo yake muruʋoko rwake, akatiza, akaɓuɗa panze.
Genesisi 39:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)