Genesisi 37:2
Genesisi 37:2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iyi ndiyo nhoroondo yaJakobho. Josefa jaya ramakore gumi namanomwe, akanga achifudza makwai pamwe chete namadzikoma ake, vanakomana vaBhiriha navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake, uye akauya namashoko akaipa kuna baba vavo pamusoro pavo.
Genesisi 37:2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Marudzi aJakobho ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namanomwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri mukomana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo.
Genesisi 37:2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Heinoi nhoroondo yemhuri yaJakobho. Josefi paakanga ava jaya rine makore gumi namanomwe aienda navakoma vake kundofudza zvipfuwo. Vakoma vake ava vaiva vana vaBhiriha naZiripa vakadzi vababa vake. Josefi aigarovachera kuna Isiraeri baba vake.
Genesisi 37:2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Marudzi aJakobo ndiwo: Josefa wakaŋga anamakore anegumi namanomŋe, akafudza makwai pamŋe cete naʋakoma ʋake; wakaŋga aciri mukomana pamŋe cete naʋanakomana ʋaBirha, naʋanakomana ʋaZirpa, ʋakadzi ʋaɓaɓa ʋake; Josefa akasiʋaʋudzisira kunaɓaɓa ʋaʋo.
Genesisi 37:2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)