Genesisi 36:1-8
Genesisi 36:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau (ndiye Edhomu). Esau akatora mukadzi wake kubva kuvakadzi veKenani: Adha mwanasikana waEroni muHiti, naOhoribhama mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni muHivhi, uyewo Bhasemati mwanasikana waIshumaeri, hanzvadzi yaNebhayoti. Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasemati akabereka Reueri, uye Ohoribhama akabereka Jeushi, Jaramu naKora. Ndivo vana vaEsau vaakaberekerwa muKenani. Esau akatora vakadzi vake navanakomana vake uye vanasikana vake navamwe vose veimba yake, pamwe chete nemombe dzake nezvimwe zvipfuwo zvake nepfuma yake yose yaakanga awana muKenani, akaenda kunyika yakanga iri kure nomununʼuna wake Jakobho. Pfuma yakanga yawanda kwazvo kuti vagare pamwe chete; nyika yavaigara yakanga isisavaringani vose nokuda kwezvipfuwo zvavo. Saka Esau (ndiye Edhomu) akandogara kunyika yezvikomo yeSeiri.
Genesisi 36:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiwo marudzi aEsau (rimwe zita ndiEdhomu): Esau akawana vakadzi vake kuvakunda veKenani, vaiti: Adha, mukunda waEroni, muHeti, naOhoribhama, mukunda waAna, mukunda waZibhioni, muHivhi; naBhasimati, mukunda waIshimaeri, hanzvadzi yaNebhayoti. Adha akabereka Esau Erifazi; Bhasimati akabereka Rueri; Ohoribhama akabereka Jeushi, naJarami, naKora; ndivo vanakomana vaEsau, vaakaberekerwa panyika yeKenani. Zvino Esau akatora vakadzi vake, navanakomana vake, navakunda vake, navanhu vose veimba yake, nezvipfuwo zvake, nemombe dzake dzose, nepfuma yake yose yaakanga aunganidza munyika yeKenani, akaenda kunyika iri kure nomun'una wake Jakobho. Nokuti pfuma yavo yakanga yawanda, naizvozvo vakanga vasingagoni kugara panzvimbo imwe; nyika youtorwa hwavo yakanga isingavaringani nokuda kwezvipfuwo zvavo. Esau akandogara kugomo reSeiri; Esau ndiye Edhomu.
Genesisi 36:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaEsau ainziwo Edhomu. Esau akaroora madzimai echiKanani vaiti; Adha mwana waEroni werudzi rwavaHiti naOhoribhama mwana waAna, mwanakomana waZibheoni worudzi rwavaHivhi, naBhasimati hanzvadzi yaNebhayoti mwana waIshimaeri. Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasimati akaberekawo Rueri. Ohoribhama akabereka Jeushi naJaramu naKora. Ivava ndivo vanakomana vaEsau vakaberekerwa munyika yeKanani. Esau akasiya munun'una wake Jakobho ndokubva atamira kure. Akaendako namadzimai ake navana vake vakomana navasikana navanhu vake vose. Akaendawo nemombe nezvimwe zvipfuwo zvake noupfumi hwake hwose hwaakanga awana munyika yeKanani. Esau akatama nokuti iye naJakobho vakanga vava nezvipfuwo noupfumi hwakawanda, vasisinawo mafuro anovakwanira kuti vagare pamwechete. Esau akandogara mumakomo mudunhu reSeiri. Esau uyu ndiye akarevo Edhomu.
Genesisi 36:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiwo marudzi aEsau (rimŋe zita ndiEdomi): Esau wakawana ʋakadzi ʋake kuʋakunda ʋeKanani, ʋaiti: Ada, mukunda waEroni, muHeti, naOhoribama, mukunda waAna, mukunda waZibeoni, muHivi; naBasemati, mukunda waIshmaeri, hanɀadzi yaNebayoti. Ada wakaɓerekera Esau Erifazi; Basemati wakaɓereka Reuri; Ohoribama wakaɓereka Jeushi, naJarami, naKora; ndiʋo ʋanakomana ʋaEsau, ʋaakaɓerekerwa panyika yeKanani. Ɀino Esau wakatora ʋakadzi ʋake, naʋanakomana ʋake, naʋakunda ʋake, naʋanhu ʋose ʋeimba yake, neɀipfuwo ɀake, neŋombe dzake dzose, nefuma yake yose yaakaŋga aʋuŋganidza munyika yeKanani, akaenda kunyika iri kure nomunuŋuna wake Jakobo. Nokuti fuma yaʋo yakaŋga yawanda, naiɀoɀo ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kugara panɀimbo imŋe; nyika yoʋutorwa bgaʋo yakaŋga isiŋgaʋariŋgani nokuɗa kweɀipfuwo ɀaʋo. Esau akandogara kugomo reSeiri; Esau ndiye Edomi.
Genesisi 36:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)