Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 3:16 - Compare All Versions

Genesisi 3:16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Kumukadzi akati, “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana; uchabereka vana mukurwadziwa. Kuda kwako kuchava kumurume wako, uye achava nesimba pamusoro pako.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 3 BDSC

Genesisi 3:16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Kumukadzi akati, “Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako, uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 3 SNA2002

Genesisi 3:16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Kumukadzi, Mwari akati, “Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo, paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana. Uchagara wakapanga murume wako, iye ari wokukutonga.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 3 SCLBD

Genesisi 3:16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Kumukadzi akati: Ndicawanza ɀikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako; ucaɓereka ʋana ucirwadziwa; kuɗa kwako kucaʋa kumurume wako, iye ucaʋa ishe wako.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 3 SUB1949

Genesisi 3:16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kumukadzi, Mwari akati, “Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo, paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana. Uchagara wakapanga murume wako, iye ari wokukutonga.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 3 SCLB