Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 3:10-13 - Compare All Versions

Genesisi 3:10-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.” Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?” Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.” Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 3 BDSC

Genesisi 3:10-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Iye akati, “Ndakanzwa izwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.” Iye akati, “Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kani muti wandakakuraira kuti urege kuudya?” Munhu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.” Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko icho chawakaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yakandinyengera, ndikadya.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 3 SNA2002

Genesisi 3:10-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Iye akati: Ndakanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakaŋga ndisina‐kusimira; ndikaʋanda. Iye akati: Ndianiko wakakuʋudza kuti hauna‐kusimira — Wadya kanhi muti wandakakuraira kuti urege kuudya? Munhu akati: Mukadzi wamakandipa kuti aʋe neni, ndiye wakandipa ɀomuti ndikadya. Jehova Mŋari akati kumukadzi: Cinyiko ico cawaita? Mukadzi akati: Nyoka yakandinyeŋgera, ndikadya.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 3 SUB1949

Genesisi 3:10-13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Adhamu akati, “Ndanzwa kufamba kwamanga muchiita mubindu ndikatya nokuti handina kusimira, ndokubva ndahwanda.” Mwari akati, “Ndiani akakuudza kuti hauna kusimira? Wadyasu muti wandakati usadye?” Adhamu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ndive naye, ndiye andipa muchero womuti iwoyo ndikadya.” Mwari Tenzi akabvunza mukadzi achiti, “Chii chawaita ichochi?” Mukadzi akati, “Nyoka ndiyo yandifurira ndikabva ndadya.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 3 SCLB

Genesisi 3:10-13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Adhamu akati, “Ndanzwa kufamba kwamanga muchiita mubindu ndikatya nokuti handina kusimira, ndokubva ndahwanda.” Mwari akati, “Ndiani akakuudza kuti hauna kusimira? Wadyasu muti wandakati usadye?” Adhamu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ndive naye, ndiye andipa muchero womuti iwoyo ndikadya.” Mwari Tenzi akabvunza mukadzi achiti, “Chii chawaita ichochi?” Mukadzi akati, “Nyoka ndiyo yandifurira ndikabva ndadya.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 3 SCLBD