Genesisi 26:18-22
Genesisi 26:18-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Isaka akacherazve matsime akanga acherwa panguva yababa vake Abhurahama, iwo akanga adzivirwa navaFiristia shure kwokufa kwaAbhurahama, uye akaapa mazita mamwe chetewo aakanga atumidzwa nababa vake. Varanda vaIsaka vakachera muMupata vakawanamo tsime remvura yakanaka. Asi vafudzi veGerari vakakakavadzana navafudzi vaIsaka vachiti, “Mvura iyi ndeyedu!” Saka akatumidza tsime iro zita rokuti Eseki, nokuda kwokuti vakapesana naye. Ipapo vakacherazve rimwe tsime, asi vakakakavadzana pamusoro parowo; saka akaritumidza zita rokuti Sitima. Akaenderera mberi kubva ipapo akachera rimwe tsime, uye hapana munhu akazokakavadzana naye pamusoro paro. Akaritumidza zita rokuti Rehobhoti, achiti, “Zvino Jehovha azotipa nzvimbo uye tichawanda munyika.”
Genesisi 26:18-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhurahamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake. Varanda vaIsaka vakachera mumupata, vakawanapo tsime remvura inotubuka. Vafudzi veGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaka, vachiti, “Imvura yedu;” akatumidza tsime iroro zita rinonzi Eseki; nokuti vakapesana naye. Zvino akandocherazve rimwe tsime; vakaitirana nharo pamusoro pairorozve; akaritumidza zita rinonzi Sitina. Akabvapo, akandocherazve rimwe tsime; iroro havana kuzoitirana nharo pamusoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehobhoti; akati, “Nokuti zvino Jehovha wakandiitira nzvimbo huru, kuti tiwande munyika ino.”
Genesisi 26:18-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Isaki akafukunura matsime emvura akanga acherwa pamazuva ababa wake Abhurahamu, nokuti Abhurahamu paakafa vaFirisitia vakabva vaafushira. Akaatumidzazve mazita aakanga akatumidzwa nababa wake. Varanda vaIsaki vakati vachichera mubani umu, vakawanawo tsime remvura yechitubu. Vafudzi vomuGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaki vachiti, “Mvura iyi ndeyedu.” Saka Isaki akatumidza tsime irori zita rokuti, “Nharo,” nokuti vakanga vaitirana nharo navo. Varanda vaIsaki vakacherazve rimwe tsime. Vakaitirana nharo zvakare navafudzi vomuGerari pamusoro paro, Isaki akaritumidza zita rokuti, “Ruvengo.” Isaki akazobvapo akandocherazve rimwe tsime. Ipapo havana kuzomboitirana nharo. Akabva aritumidza zita rokuti, “Ziendanakuenda,” vachiti, “Zvino Tenzi atipa nzvimbo huru kuti tigova vazhinji munyika ino.”
Genesisi 26:18-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Isaka akacera ɀe matsime emvura, akaŋga acerwa pamazuʋa aɓaɓa ʋake, Abrahama; nokuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaadziʋira Abrahama afa; akaatumidza mazita aakaŋga atumidzwa naɓaɓa ʋake. Ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera mumupata, ʋakawana’po tsime remvura inotuɓuka. Ʋafudzi ʋeGerari ʋakaitirana nharo naʋafudzi ʋaIsaka, ʋaciti: Imvura yeɗu; akatumidza tsime iro zita rinonzi Eseki; nokuti ʋakapesana naye. Ɀino wakandocera ɀe rimŋe tsime; ʋakaitirana nharo pamsoro pairero ɀe; akaritumidza zita rinonzi Sitna. Akabva’po, akandocera ɀe rimŋe tsime; irero haʋana‐kuzoitirana nharo pamsoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehoboti; akati: Nokuti ɀino Jehova wakandiitira nɀimbo huru, kuti tiwande munyika ino.
Genesisi 26:18-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)