Genesisi 25:33-34
Genesisi 25:33-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho. Ipapo Jakobho akapa Esau chingwa nenyemba. Akadya uye akanwa, ipapo akasimuka akaenda. Saka Esau akazvidza udangwe hwake.
Genesisi 25:33-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jakobho akati, “Chimbondipikira;” akamupikira, akatengesera Jakobho udangwe hwake. Jakobho akapa Esau chingwa nezvokudya zvenyemba; akadya, akanwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akazvidza udangwe hwake saizvozvo.
Genesisi 25:33-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jakobho akati, “Tanga wapika izvozvo kwandiri nhasi uno. Naizvozvo Esau akapika akabva atengesera Jakobho udangwe hwake. Jakobho akapa Esau chingwa norupiza rwenyemba. Akadya akanwa akasumuka oenda zvake, nokudaro Esau akazvikanganisira udangwe hwake.”
Genesisi 25:33-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jakobo akati: Cimbondipikira; akamupikira, akateŋgesera Jakobo ʋuɗaŋgwe bgake. Jakobo akapa Esau ciŋgwa neɀokudya ɀenyemba; akadya, akanwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akaɀidza ʋuɗaŋgwe bgake saiɀoɀo.
Genesisi 25:33-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)