Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 24:52-53 - Compare All Versions

Genesisi 24:52-53 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Muranda waAbhurahama akati anzwa zvavakataura, akakotama pasi pamberi paJehovha. Ipapo muranda akabudisa goridhe nezvishongo zvesirivha nenguo dzokufuka akazvipa kuna Rabheka; uye akapawo zvipo zvomutengo mukuru kuhanzvadzi yake nokuna mai vake.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 24 BDSC

Genesisi 24:52-53 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino muranda waAbhurahamu wakati anzwa mashoko avo, akakotamira pasi pamberi paJehovha; muranda akabudisa zvishongo zvesirivha, nezvendarama, nenguo; akazvipa Rabheka; akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 24 SNA2002

Genesisi 24:52-53 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino muranda waAbrahama wakati anzwa mashoko aʋo, akakotamira pasi pamberi paJehova; muranda akaɓuɗisa ɀishoŋgo ɀesirveri, neɀendarama, neŋguʋo; akaɀipa Rebeka; akapa ʋo hanɀadzi yake namai ʋake nhumbi dzinokosha.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 24 SUB1949

Genesisi 24:52-53 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Muranda waAbhurahamu paakanzwa zvavakataura akapfugama pasi akanamata Tenzi. Muranda uyu akabva abudisa zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu dzokupa Ribheka. Akaburitsawo zvipo zvinokosha ndokupa amai vaRibheka nehanzvadzi yake Rabhani.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 24 SCLB

Genesisi 24:52-53 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Muranda waAbhurahamu paakanzwa zvavakataura akapfugama pasi akanamata Tenzi. Muranda uyu akabva abudisa zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu dzokupa Ribheka. Akaburitsawo zvipo zvinokosha ndokupa amai vaRibheka nehanzvadzi yake Rabhani.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 24 SCLBD