Genesisi 24:36-38
Genesisi 24:36-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sara mukadzi watenzi wangu akamuberekera mwanakomana panguva yokukwegura kwake, uye akamupa zvinhu zvose zvaanazvo. Uye tenzi wangu akaita kuti ndipike mhiko, uye akati, ‘Haufaniri kutorera mwanakomana wangu mukadzi kubva kuvanasikana vavaKenani, munyika yandigere, asi enda kumhuri yababa vangu uye nokuimba yangu, undotorera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.’
Genesisi 24:36-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
NaSara, mukadzi watenzi wangu, wakaberekera tenzi wangu mwanakomana pakukwegura kwake; ndiye waakapa zvose zvaanazvo. Tenzi wangu akandipikisa, akati, ‘Usatorera mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, pandigere munyika yavo; asi uende kune veimba yababa vangu nokuhama dzangu unotorera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.’
Genesisi 24:36-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sara, mudzimai wavatenzi vangu, kunyange akanga achembera zvake, akaberekera vatenzi vangu mwana mukomana. Ivo vatenzi wangu vakapa mwana wavo iyeyo zvinhu zvose zvavanazvo. Zvino vatenzi vangu vakandiitisa mhiko vachiti, ‘Usatsvakire mwana wangu mukadzi mukati mevanasikana verudzi rwevaKanani vane nyika yandigere. Asi enda kumusha kwababa vangu, kuhama dzangu undotsvakira mwana wangu mukadzi ikoko.’
Genesisi 24:36-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
NaSara, mukadzi watenzi waŋgu, wakaɓerekera tenzi waŋgu mŋanakomana pakukwegura kwake; ndiye waakapa ɀose ɀaanaɀo. Tenzi waŋgu akandipikisa, akati: Usatorera mŋanakomana waŋgu mukadzi kuʋanasikana ʋeKanani, pandigere munyika yaʋo; asi uende kunaʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu nokuhama dzaŋgu, undotorera mŋanakomana waŋgu mukadzi ikoko.
Genesisi 24:36-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)