Genesisi 22:4-5
Genesisi 22:4-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazuva rechitatu, Abhurahama akasimudza meso ake akaona nzvimbo yacho ichiri kure. Akati kuvaranda vake, “Sarai henyu pano nembongoro iyi, ini nomukomana timboyambukira uko. Tichandonamata tigodzoka hedu kwamuri.”
Genesisi 22:4-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nomusi wetatu Abhurahamu akasimudza meso ake, akaona nzvimbo iyo ari kure. Abhurahamu akati kumajaya ake, “Imi chigarai henyu pano nembongoro, ini nomwana tichaenda ikoko; tichambondonamata, tigodzokera kwamuri.”
Genesisi 22:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazuva retatu Abhurahamu akatarisa akaona nzvimbo iyoyo ichiri chinhambwe. Abhurahamu akataurira varanda vake achiti, “Chimbosarai pano apa nedhongi iri, ini nomwana timboenda kundonamata tigozoti todzoka zvedu kuno kwamuri.”
Genesisi 22:4-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nomusi wetatu Abrahama akasimudza meso ake, akaʋona nɀimbo iyo ari kure. Abrahama akati kumajaya ake: Imi cigarai henyu pano nemboŋgoro, ini nomŋana ticaenda ikoko; ticambondonamata, tigodzokera kwamuri.
Genesisi 22:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)