Genesisi 22:13-14
Genesisi 22:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Abhurahama akasimudza meso ake uye ipapo padenhere akaona gondobwe rakabatwa nenyanga dzaro. Akaendapo akatora gondobwe akaribayira sechipiriso chinopiswa. Saka Abhurahama akatumidza nzvimbo iyo kuti, “Jehovha Achapa.” Uye nanhasi zvinonzi, “Pagomo raJehovha ndipo pazvichapiwa.”
Genesisi 22:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Abhurahamu akasimudza meso ake, akatarira, ndokuona shure kwake hondohwe yakanga yakabatwa nyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akatora hondohwe iya, akaipisa chikava chibayiro panzvimbo yomwanakomana wake. Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Jehovha-jire; saka nanhasi vanositi, “Pagomo raJehovha ndipo paachaonekwa.”
Genesisi 22:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Abhurahamu akatarisa onei seri kwake kuine hondohwe yakakochekera nenyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akandotora hondohwe iyoyo, akaiita chibayiro chomupiro wokupisa panzvimbo yomwana wake. Saka Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti “Tenzianoonazvokuita,” kunyange nanhasi uno zvichiri kungonzi, “Pagomo raTenzianoonazvokuita.”
Genesisi 22:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Abrahama akasimudza meso ake, akatarira, ndokuʋona shure kwake gondobge rakaŋga rakaɓatwa nyaŋga dzaro mugwenzi; Abrahama akatora gondobge iro, akaripisa cikaʋa ciɓayiro panɀimbo yomŋanakomana wake. Abrahama akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Jehova-jire; saka nanhasi ʋanositi: Pagomo raJehova ndi’po paacaʋonekwa.
Genesisi 22:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)