Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 22:12-13 - Compare All Versions

Genesisi 22:12-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Akati, “Usaisa ruoko rwako pamukomana. Usamboita chimwe chinhu kwaari. Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe woga.” Abhurahama akasimudza meso ake uye ipapo padenhere akaona gondobwe rakabatwa nenyanga dzaro. Akaendapo akatora gondobwe akaribayira sechipiriso chinopiswa.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 BDSC

Genesisi 22:12-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Akati, “Usaisa ruoko rwako kumwana, usamuitira chinhu, nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.” Abhurahamu akasimudza meso ake, akatarira, ndokuona shure kwake hondohwe yakanga yakabatwa nyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akatora hondohwe iya, akaipisa chikava chibayiro panzvimbo yomwanakomana wake.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SNA2002

Genesisi 22:12-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Akati: Usaisa ruʋoko rwako kumŋana, usamuitira cinhu; nokuti ɀino ndinoziʋa kuti unotya Mŋari, ɀausina‐kundinyima mŋanakomana wako, iye mŋanakomana wako mumŋe cete. Abrahama akasimudza meso ake, akatarira, ndokuʋona shure kwake gondobge rakaŋga rakaɓatwa nyaŋga dzaro mugwenzi; Abrahama akatora gondobge iro, akaripisa cikaʋa ciɓayiro panɀimbo yomŋanakomana wake.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SUB1949

Genesisi 22:12-13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mutumwa akati, “Usakuvadze mwana wako kana kuwana chaungaite paari. Zvino ndazoziva kuti unotya Mwari, zvausina kurambira nomwanakomana wako, mumwe chete oga.” Abhurahamu akatarisa onei seri kwake kuine hondohwe yakakochekera nenyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akandotora hondohwe iyoyo, akaiita chibayiro chomupiro wokupisa panzvimbo yomwana wake.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SCLB

Genesisi 22:12-13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mutumwa akati, “Usakuvadze mwana wako kana kuwana chaungaite paari. Zvino ndazoziva kuti unotya Mwari, zvausina kurambira nomwanakomana wako, mumwe chete oga.” Abhurahamu akatarisa onei seri kwake kuine hondohwe yakakochekera nenyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akandotora hondohwe iyoyo, akaiita chibayiro chomupiro wokupisa panzvimbo yomwana wake.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SCLBD