Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 22:11-19 - Compare All Versions

Genesisi 22:11-19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi mutumwa waJehovha akadanidzira kwaari kubva kudenga akati, “Abhurahama! Abhurahama!” Iye akapindura akati, “Ndiri pano hangu.” Akati, “Usaisa ruoko rwako pamukomana. Usamboita chimwe chinhu kwaari. Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe woga.” Abhurahama akasimudza meso ake uye ipapo padenhere akaona gondobwe rakabatwa nenyanga dzaro. Akaendapo akatora gondobwe akaribayira sechipiriso chinopiswa. Saka Abhurahama akatumidza nzvimbo iyo kuti, “Jehovha Achapa.” Uye nanhasi zvinonzi, “Pagomo raJehovha ndipo pazvichapiwa.” Mutumwa waJehovha akadana kuna Abhurahama kubva kudenga kechipiri akati, “Ndinopika neni pachangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti nokuda kwokuti waita izvi uye kuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye sejecha riri pamahombekombe egungwa. Zvizvarwa zvako zvichatora maguta avavengi vavo, uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, nokuti wakanditeerera.” Ipapo Abhurahama akadzokera kuvaranda vake, vakasimuka vose pamwe chete vakaenda kuBheerishebha.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 BDSC

Genesisi 22:11-19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ipapo mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari, ari kudenga akati, “Abhurahamu! Abhurahamu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.” Akati, “Usaisa ruoko rwako kumwana, usamuitira chinhu, nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.” Abhurahamu akasimudza meso ake, akatarira, ndokuona shure kwake hondohwe yakanga yakabatwa nyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akatora hondohwe iya, akaipisa chikava chibayiro panzvimbo yomwanakomana wake. Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Jehovha-jire; saka nanhasi vanositi, “Pagomo raJehovha ndipo paachaonekwa.” Ipapo mutumwa waJehovha wakadana Abhurahamu rwechipiri, ari kudenga, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndakapika neni ndimene,’ ndichiti, ‘Zvawaita izvozvo, ukasandinyima mwanakomana wako mumwe chete; ndichakuropafadza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa; vana vako vachava varidzi vamasuo avavengi vavo; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawakateerera izwi rangu.’ ” Ipapo Abhurahamu wakadzokera kumajaya ake, vakasimuka vakaenda vose Bheerishebha; Abhurahamu akagara paBheerishebha.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SNA2002

Genesisi 22:11-19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ipapo mutumŋa waJehova wakaɗanidzira kwaari, ari kuɗeŋga, akati: Abrahama! Abrahama! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Usaisa ruʋoko rwako kumŋana, usamuitira cinhu; nokuti ɀino ndinoziʋa kuti unotya Mŋari, ɀausina‐kundinyima mŋanakomana wako, iye mŋanakomana wako mumŋe cete. Abrahama akasimudza meso ake, akatarira, ndokuʋona shure kwake gondobge rakaŋga rakaɓatwa nyaŋga dzaro mugwenzi; Abrahama akatora gondobge iro, akaripisa cikaʋa ciɓayiro panɀimbo yomŋanakomana wake. Abrahama akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Jehova-jire; saka nanhasi ʋanositi: Pagomo raJehova ndi’po paacaʋonekwa. Ipapo mutumŋa waJehova wakaɗana Abrahama rwecipiri, ari kuɗeŋga, akati: Ɀanzi naJehova: Ndakapika neni ndimene, ndiciti: Ɀawaita iɀoɀo, ukasandinyima mŋanakomana wako mumŋe cete; ndicakuropafadza kwaɀo, ndicawanza ʋana ʋako kwaɀo senyeredzi dzokuɗeŋga, ʋuye sejeca riri pamhenderekedzo dzeguŋgwa; ʋano ʋako ʋacaʋa ʋaridzi ʋamasuʋo aʋaʋeŋgi ʋaʋo; ndudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa muʋana ʋako, ɀawakaterera inzwi raŋgu. Ipapo Abrahama wakadzokera kumajaya ake, ʋakasimuka, ʋakaenda ʋose Beeri‐sheba; Abrahama akagara paBeeri‐sheba.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SUB1949

Genesisi 22:11-19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Pakarepo mutumwa waMwari akadaidzira ari mudenga achiti, “Abhurahamu, Abhurahamu!” Abhurahamu akati, “Ndiri pano.” Mutumwa akati, “Usakuvadze mwana wako kana kuwana chaungaite paari. Zvino ndazoziva kuti unotya Mwari, zvausina kurambira nomwanakomana wako, mumwe chete oga.” Abhurahamu akatarisa onei seri kwake kuine hondohwe yakakochekera nenyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akandotora hondohwe iyoyo, akaiita chibayiro chomupiro wokupisa panzvimbo yomwana wake. Saka Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti “Tenzianoonazvokuita,” kunyange nanhasi uno zvichiri kungonzi, “Pagomo raTenzianoonazvokuita.” Ipapo mutumwa waTenzi akadaidzira rwechipiri ari mudenga kuna Abhurahamu achiti, “Ndinopika neni pachangu. Ndini Tenzi ndinodaro kutaura. Zvawaita chinhu chakadai ichi ukarega kurambira nomwanakomana wako, mwana wako mumwechete oga, ndichanyatsokukomborera chaizvo. Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga, sejecha romumahombekombe egungwa. Maguta avavengi vavo, vana vako vachaaita avo. Nokuda kwavana vako marudzi apasi pose achakomborerwa nokuti wateerera zvandinoreva.” Abhurahamu akadzokera kuvaranda vake ndokusumuka voenda vose kuBheerishebha. Abhurahamu akaita musha wake kuBheerishebha.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SCLB

Genesisi 22:11-19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Genesisi 22 SCLBD