Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 22:1-2 - Compare All Versions

Genesisi 22:1-2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Shure kwaizvozvo, Mwari akaedza Abhurahama. Akati kwaari, “Abhurahama!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.” Ipapo Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, Isaka, iye waunoda, uende kunyika yeMoria. Umubayire ikoko sechipiriso chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 BDSC

Genesisi 22:1-2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Shure kwaizvozvo Mwari wakaedza Abhurahamu, akati kwaari, “Abhurahamu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.” Akati, “Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SNA2002

Genesisi 22:1-2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Shure kwaiɀoɀo Mŋari wakaidza Abrahama, akati kwaari: Abrahama! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Ɀino tora mŋanakomana wako, mŋanakomana wako mumŋe cete, waunoɗa, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite ciɓayiro cinopiswa panerimŋe gomo randicakuʋudza.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SUB1949

Genesisi 22:1-2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mushure maizvozvi, Mwari akaedza Abhurahamu akati, “Abhurahamu.” Iye akati, “Ndiri pano.” Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, iye mumwechete oga, wepamwoyo, Isaki uende naye kunyika yeMoria umuite chibayiro chomupiro wokupisa ikoko pane rimwe gomo randichakuudza.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SCLB

Genesisi 22:1-2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mushure maizvozvi, Mwari akaedza Abhurahamu akati, “Abhurahamu.” Iye akati, “Ndiri pano.” Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, iye mumwechete oga, wepamwoyo, Isaki uende naye kunyika yeMoria umuite chibayiro chomupiro wokupisa ikoko pane rimwe gomo randichakuudza.”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SCLBD