Genesisi 21:17-18
Genesisi 21:17-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari akanzwa mukomana achichema, uye mutumwa waMwari akadana Hagari kubva kudenga akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya; Mwari anzwa kuchema kwomukomana paakavata apo. Simudza mukomana umubate noruoko, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.”

Genesisi 21:17-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari akanzwa izwi romukomana; mutumwa waMwari akadanidzira kuna Hagari, ari kudenga, akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa izwi romukomana apo paari. Simuka usimudze mukomana, umubate noruoko rwako, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.”
Genesisi 21:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akanzwa kuchema kwomukomana uyu, mutumwa waMwari, ari mudenga, akadaidzira kuna Hagari achiti kwaari, “Ko chanetsa chiiko Hagari? Usatye zvako nokuti Mwari anzwa kuchema kwemwana paari ipapo. Simuka utore mwana unyatsomubata noruoko nokuti ndichaita kuti ave navana vakawanda zvokutova rudzi rukuru.”
Genesisi 21:17-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari akanzwa inzwi romukomana; mutumŋa waMŋari akaɗanidzira kunaHagari, ari kuɗeŋga, akati kwaari: Ɀaita seiko Hagari — Usatya, nokuti Mŋari wanzwa inzwi romukomana apo paari. Simuka, usimudze mukomana, umuɓate noruʋoko rwako, nokuti ndicamuita rudzi rukuru.
Genesisi 21:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)