Genesisi 21:12
Genesisi 21:12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Mwari akati kwaari, “Usanyanya kutambudzika hako pamusoro pomukomana uye napamusoro pomurandakadzi wako. Teerera zvaunoudzwa naSara, nokuti muna Isaka ndimo muchaverengerwa vana vako.
Genesisi 21:12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Mwari akati kuna Abhurahamu, “Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa kwauri nokuda kwomukomana nokwo mubatiri wako; uteerere Sara pazvinhu zvose zvaanotaura kwauri, nokuti rudzi rwako ruchatumidzwa nezita raIsaka.
Genesisi 21:12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Mwari akataurira Abhurahamu achiti, “Rega kushungurudzwa zvako mumwoyo nezvomukomana uyu kana nezvomuranda uyu. Ita zvako zvose zvaunenge waudzwa naSara nokuti zvizvarwa zvako zvichadaidzwa nezita raIsaki.
Genesisi 21:12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Mŋari akati kunaAbrahama: Ŋgaɀirege haɀo kuʋa ɀakaipa kwauri nokuɗa kwomukomana nokwomuɓatiri wako; uterere Sara paɀinhu ɀose ɀaanotaura kwauri; nokuti rudzi rwako rucatumidzwa nezita raIsaka.
Genesisi 21:12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)