Genesisi 2:4-5
Genesisi 2:4-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iyi ndiyo rondedzero yamatenga nenyika pazvakasikwa. Jehovha Mwari paakaita nyika namatenga, uye kwakanga kusati kwava namakwenzi esango panyika, uye miriwo yesango yakanga isati yamera, nokuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye kwakanga kusina munhu wokuzorima panyika
Genesisi 2:4-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiko kuvamba kwedenga nenyika, musi wazvakasikwa: Nezuva iroro Jehovha Mwari raakasika naro nyika nedenga, makwenzi esango akanga achigere kuvapo panyika, nemiriwo yesango yakanga ichigere kumera; nokuti Jehovha Mwari akanga asati anaisa mvura panyika, uye kwakanga kusina munhu kuzorima pasi
Genesisi 2:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iyi ndiyo nhoroondo yokusikwa kwakaitwa denga napasi. Mwari Tenzi panguva yaakasika nyika nedenga, pasi pose pakanga pasati pava namakwenzi. Kwakanga kusinawo zvinomera nokuti Mwari Tenzi akanga asati anayisa mvura panyika uye hakuna airima nokuti kwakanga kusati kwava nomunhu aivapo.
Genesisi 2:4-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiko kuʋamba kweɗeŋga nenyika, musi waɀakasikwa: Nezuʋa irero Jehova Mŋari raakasika naro nyika neɗeŋga, makwenzi esaŋgo akaŋga acigere kuʋa’po panyika, nemiriʋo yesaŋgo yakaŋga icigere kumera; nokuti Jehova Mŋari wakaŋga asati anisa mvura panyika, ʋuye kwakaŋga kusinomunhu kuzorima pasi
Genesisi 2:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)