Genesisi 2:21-23
Genesisi 2:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu avate hope huru; uye paakanga achakavata, akatora rumwe rumbabvu rwomunhu akavhara nenyama nzvimbo yaakarubvisa. Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume. Murume akati, “Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu; achanzi ‘mukadzi’, nokuti akatorwa kubva pamurume.”
Genesisi 2:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Jehovha Mwari akavatisa munhu hope huru, akavata; akatora rumbabvu rwake rumwe, akadzivira nyama panzvimbo yarwo. Norumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu. Munhu akati, “Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama yangu, uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume.”
Genesisi 2:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari Tenzi akavatisa Adhamu hope dzorufu. Avete kudaro, Mwari akamubvisa mbabvu yake imwechete ndokubva aisa nyama panzvimbo yayo. Mwari Tenzi akatora mbabvu iya ndokuumba munhukadzi ndokumupereka kuna Adhamu. Adhamu akati, “Hounoka zvino bvupa ramapfupa angu, nyama yomuviri wangu chaiyo. Achanzi munhukadzi, nokuti akatorwa pamunhurume.”
Genesisi 2:21-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Jehova Mŋari wakaʋatisa munhu hope huru, akaʋata; akatora rumbabvu rwake rumŋe, akadziʋira nyama panɀimbo yarwo. Norumbabvu urwo Jehova Mŋari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu. Munhu akati: Ɀino uyu ifupa ramafupa aŋgu, nenyama yenyama yaŋgu; ucatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume.
Genesisi 2:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)