Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 17:17 - Compare All Versions

Genesisi 17:17 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Abhurahama akawira pasi nechiso chake, akaseka uye akati mumwoyo make, “Ko, mwanakomana angaberekwa nomunhu ava namakore zana okuberekwa here? Ko, Sara angabereka mwana iye ava namakore makumi mapfumbamwe here?”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 17 BDSC

Genesisi 17:17 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ipapo Abhurahamu wakawira pasi nechiso chake, akaseka, akati mumwoyo make, “Ko munhu ana makore ane zana ungaberekerwa mwana here? NaSara, wava namakore ana makumi mapfumbamwe, angabereka here?”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 17 SNA2002

Genesisi 17:17 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Abhurahamu akati gwadagwa akatyora uso akazviti nechomumwoyo, “Iye munhu ane zana ramakore angaite mwana nhai? Ko Sara ava namakumi mapfumbamwe amakore angabereke mwana nhai?”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 17 SCLBD

Genesisi 17:17 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ipapo Abrahama wakawira pasi neciso cake, akaseka, akati mumŋoyo make: Ko munhu unamakore anezana uŋgaɓerekerwa mŋana here? NaSara, waʋa namakore anamakumi mapfumbamŋe, uŋgaɓereka here?

Pakurirana nevamwe
Genesisi 17 SUB1949

Genesisi 17:17 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Abhurahamu akati gwadagwa akatyora uso akazviti nechomumwoyo, “Iye munhu ane zana ramakore angaite mwana nhai? Ko Sara ava namakumi mapfumbamwe amakore angabereke mwana nhai?”

Pakurirana nevamwe
Genesisi 17 SCLB