Genesisi 17:1-2
Genesisi 17:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Abhurama akati ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa, Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; famba pamberi pangu uye uve wakarurama. Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe uye ndichakukurisa kwazvo.”

Genesisi 17:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Abhuramu wakati asvika makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, Jehovha akazviratidza kuna Abhuramu, akati kwaari, “Ndini Mwari waMasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama. Ndichaita sungano yangu pakati pangu newe, ndichakuwanza kwazvo.”
Genesisi 17:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Abhuramu paakanga ava namakore makumi mapfumbamwe, Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Ndini Aripagomo. Tevera gwara rangu uvewo munhu akarurama. Ndichaita chitenderano changu newe, ndichaitawo kuti uve nezvizvarwa zvakawanda kwazvo.”
Genesisi 17:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Abrama wakati aȿika makore anamakumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe, Jehova akaɀiratidza kunaAbrama, akati kwaari: Ndini Mŋari wamasimba ose; famba pamberi paŋgu, uʋe wakarurama. Ndicaita suŋgano yaŋgu pakati paŋgu newe, ndicakuwanza kwaɀo.
Genesisi 17:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)