Genesisi 15:17-18
Genesisi 15:17-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zuva rakati ravira, uye kwasviba, choto chinopfungaira utsi uye nomwenje unopfuta zvakaonekwa uye zvikapfuura napakati penhindi. Pazuva iro, Jehovha akaita sungano naAbhurama akati, “Nyika iyi ndinoipa kuzvizvarwa zvako, kubva kurwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, Yufuratesi
Genesisi 15:17-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama. Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, “Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.
Genesisi 15:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti zuva radoka, kwasviba, kwakaoneka mbaura yaipfumbuka utsi nezhenje romoto richipfuura napakati pamapandi enyama aye. Pazuva iroro Tenzi akaita chitenderano naAbhuramu achiti, “Ndapa kuvana vako nyika ino inobvira mukakova keIjipiti kundosvika kurwizi rukuru, muna Yufuratesi.
Genesisi 15:17-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino zuʋa rakati raʋira, kwaȿiɓa, coto cinopfuŋgaira nezhenje romŋoto ɀakaʋonekwa ɀicipfuʋura napakati penhindi idzedzo dzenyama. Nomusi iwoyo Jehova akaita suŋgano naAbrama, akati: Ʋana ʋako ndaʋapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kuȿikira kurwizi rukuru, runonzi Yufratesi
Genesisi 15:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)