Genesisi 14:14-16
Genesisi 14:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Abhurama akati anzwa kuti hama yake yakanga yatapwa, akadana varume vakanga vadzidziswa kurwa mazana matatu negumi navasere vakaberekerwa mumba make vakavatevera kusvikira paDhani. Abhurama akapatsanura vanhu vake panguva dzousiku kuti vandovarwisa, uye vakavakunda, vakavatevera kusvikira paHobhabhi, kumusoro kweDhamasiko. Akadzosa zvinhu zvose uye akadzosawo hama yake Roti nepfuma yake, pamwe chete navakadzi navamwe vanhu.
Genesisi 14:14-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Abhuramu wakati achinzwa kuti hama yake yatapwa, akaraira varume vake vakanga vadzidziswa kurwa, vakazvarwa paimba yake, vana mazana matatu negumi navasere, akavateverera kusvikira paDhani; akakamura varwi vake usiku, iye navaranda vake, akavakunda, akavateverera kusvikira paHobha, riri kurudyi rweDhamasiko. Akadzosa pfuma yose, akadzosawo Roti, hama yake, nepfuma yake, navakadziwo navanhu.
Genesisi 14:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Abhuramu paakanzwa zvokutapwa kwehama yake akaunganidza vanhu vake mazana matatu ane gumi navasere vakanga vakanyatsodzidziswa zvehondo vakaberekwa mumhuri dzavaranda vake. Vakaronda madzimambo aya kusvika kuDhani. Abhuramu akakamura varwi vake akavarwisa nousiku akavakunda, akavadzingirira kusvika kuHobha kuchamhembe kweDhamasikusi. Akadzoka nezvinhu zvose zvakanga zvapambwa, akadzokawo nehama yake Roti nezvinhu zvake, navakadzi navamwe vanhu.
Genesisi 14:14-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Abrama wakati acinzwa kuti hama yake yatapxa, akaraira ʋarume ʋake ʋakaŋga ʋadzidziswa kurwa, ʋakaɀarwa paimba yake, ʋanamazana matatu negumi naʋasere, akaʋateʋerera kuȿikira paDani; akakamura ʋarwi ʋake ʋusiku, iye naʋaranda ʋake, akaʋakunda, akaʋateʋerera kuȿikira paHoba, riri kurudyi rweDamasiko. Akadzosa fuma yose, akadzosa ʋo Roti, hama yake, nefuma yake, naʋakadzi ʋo naʋanhu.
Genesisi 14:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)