Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 13:8-12 - Compare All Versions

Genesisi 13:8-12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Saka Abhurama akati kuna Roti, “Ngaparege kuva negakava pakati pako neni, kana pakati pavafudzi vako nevangu, nokuti tiri hama. Ko, nyika yose iyi haisi pamberi pako here? Ngatiparadzane. Kana ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana ukaenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akatarira kumusoro akaona bani rose reJorodhani kuti rakanga rakanyatsonyorova, sebindu raJehovha, kufanana nenyika yeIjipiti, kwakanangana neZoari. (Panguva iyi Jehovha akanga achigere kuparadza Sodhomu neGomora.) Saka Roti akazvisarudzira bani rose reJorodhani uye akasimuka akananga kumabvazuva. Varume vaviri ava vakaparadzana: Abhurama akagara munyika yeKenani, Roti akagara pakati pamaguta omumapani uye akadzika matende ake pedyo neSodhomu.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 13 BDSC

Genesisi 13:8-12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ipapo Abhuramu akati kuna Roti, “Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafudzi vako, nokuti tiri hama. Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJorodhani, kuti rakanga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhomu neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeIjipiti, kana munhu achienda Zoari. Roti akazvitsaurira bani rose reJorodhani; Roti akaenda kurutivi rwamabvazuva; vakaparadzana havo. Abhuramu akagara panyika yeKenani, Roti akagara pamaguta aiva kubani, akaswededzera tende rake kusvikira paSodhomu.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 13 SNA2002

Genesisi 13:8-12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ipapo Abrama akati kunaRoti: Nharo ŋgadzirege kuʋa’po pakati paŋgu newe, napakati paʋafudzi ʋaŋgu naʋafudzi ʋako, nokuti tiri hama. Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruɓoshwe, ini ndicaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi, ini ndicaenda kuruɓoshwe. Roti akasimudzira meso ake, akaʋona ɓani rose reJoridani, kuti rakaŋga rinemvura pose, Jehova acigere kuparadza Sodoma neGomora; rakaŋga rakaita somunda waJehova, senyika yeEgipita, kana munhu acienda Zoari. Roti akaɀitsaurira ɓani rose reJoridani; Roti akaenda kurutiʋi rwamabvazuʋa; ʋakaparadzana haʋo. Abrama akagara panyika yeKanani, Roti akagara pamaguta aiʋa kuɓani, akasweɗedzera tente rake kuȿikira paSodoma.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 13 SUB1949

Genesisi 13:8-12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Abhuramu akataurirana naRoti achiti, “Ngatiregei kuitirana gakava, kunyange vafudzi vedu ngavaregewo kuitirana gakava nokuti tiri hama nehama. Inga nyika ndiyo yese iyi yawakatarisa. Dai tikachiparadzana zvedu. Kana ukasarudza kuenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi. Kana ukasarudza kuenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akatarisa akaona kuti bani rose romuna Jorodhani rakananga kuZoari rakanga riri bani renyika nyoro kwose kwose, rakaita sebindu raTenzi, sezvakaitawo nyika yeIjipiti. Izvozvo Tenzi akanga asati aparadza Sodhomu neGomora. Saka Roti akazvisarudzira bani rose romuna Jorodhani, akabva atamira kumabvazuva. Ndiko kuparadzana kwavakaita. Abhuramu akagara munyika yeKanani, Roti akandogarawo pakati pamaguta aiva mubani riya, akadzika matendhe ake pedyo neSodhomu.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 13 SCLB

Genesisi 13:8-12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Abhuramu akataurirana naRoti achiti, “Ngatiregei kuitirana gakava, kunyange vafudzi vedu ngavaregewo kuitirana gakava nokuti tiri hama nehama. Inga nyika ndiyo yese iyi yawakatarisa. Dai tikachiparadzana zvedu. Kana ukasarudza kuenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi. Kana ukasarudza kuenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akatarisa akaona kuti bani rose romuna Jorodhani rakananga kuZoari rakanga riri bani renyika nyoro kwose kwose, rakaita sebindu raTenzi, sezvakaitawo nyika yeIjipiti. Izvozvo Tenzi akanga asati aparadza Sodhomu neGomora. Saka Roti akazvisarudzira bani rose romuna Jorodhani, akabva atamira kumabvazuva. Ndiko kuparadzana kwavakaita. Abhuramu akagara munyika yeKanani, Roti akandogarawo pakati pamaguta aiva mubani riya, akadzika matendhe ake pedyo neSodhomu.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 13 SCLBD