Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 13:1-2 - Compare All Versions

Genesisi 13:1-2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Saka Abhurama akakwidza achibva kuIjipiti akaenda kuNegevhi, nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo, uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga apfuma kwazvo pamombe nesirivha uye negoridhe.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 13 BDSC

Genesisi 13:1-2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Abhuramu wakakwira, akabva Ijipiti, iye nomukadzi wake, nezvose zvaakanga anazvo, naRotiwo anaye; vakaenda kurutivi rwenyasi. Abhuramu wakanga akapfuma kwazvo mombe, nesirivha, nendarama.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 13 SNA2002

Genesisi 13:1-2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Abrama wakakwira, akabva Egipita, iye nomukadzi wake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, naRoti ʋo anaye; ʋakaenda kurutiʋi rwenyasi. Abrama wakaŋga akafuma kwaɀo ŋombe, nesirveri, nendarama.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 13 SUB1949

Genesisi 13:1-2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Abhuramu akabva muIjipiti iye nomudzimai wake nezvinhu zvose zvaaiva nazvo pamwechete naRoti vakaenda kuNegevhu. Abhuramu akanga akapfuma kwazvo. Aiva nemombe nesirivha nendarama.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 13 SCLB

Genesisi 13:1-2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Abhuramu akabva muIjipiti iye nomudzimai wake nezvinhu zvose zvaaiva nazvo pamwechete naRoti vakaenda kuNegevhu. Abhuramu akanga akapfuma kwazvo. Aiva nemombe nesirivha nendarama.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 13 SCLBD