Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 12:10-20 - Compare All Versions

Genesisi 12:10-20 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvino nzara yakanga iripo panyika, uye Abhurama akaburuka akaenda kuIjipiti kuti andogara ikoko kwechinguva nokuti nzara yakanga iri huru kwazvo. Paakanga oda kupinda muIjipiti, akati kumukadzi wake, Sarai, “Ndinoziva kuti uri mukadzi akanakisa. Pauchaonekwa navaIjipita, vachati, ‘Uyu ndiye mukadzi wake.’ Ipapo vachandiuraya asi iwe vachakurega uri mupenyu. Saka uti uri hanzvadzi yangu, kuti ndigobatwa zvakanaka nokuda kwako uye upenyu hwangu hucharwirwa nokuda kwako.” Abhurama akati asvika kuIjipiti, vaIjipita vakaona kuti akanga ane mukadzi akanaka kwazvo. Uye machinda aFaro vakati vamuona, vakandomurumbidza kuna Faro, uye vakabva vamutora vakamupinza mumuzinda wake. Akabata Abhurama zvakanaka nokuda kwake, uye Abhurama akava namakwai nemombe, makono embongoro namakadzi, varandarume navarandakadzi uye nengamera. Asi Jehovha akatambudza Faro neveimba yake nehosha yakaipisisa nokuda kwaSarai mukadzi waAbhurama. Saka Faro akadana Abhurama akati, “Waiteiko kwandiri? Wakaregereiko kundiudza kuti uyu mukadzi wako? Seiko wakati, ‘Ihanzvadzi yangu,’ nokudaro ndakamutora kuti ave mukadzi wangu? Naizvozvo zvino, hoyu mukadzi wako. Mutore uende!” Ipapo Faro akarayira varanda vake pamusoro paAbhurama, vakamurega achienda nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 12 BDSC

Genesisi 12:10-20 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino nzara yakanga iripo panyika iyo; Abhuramu ndokuburukira Ijipiti kundogarako; nokuti nzara yakanga iri huru panyika iyo. Zvino wakati oda kupinda Ijipiti, akati kuna Sarai, mukadzi wake, “Tarira, ndinoziva kuti uri mukadzi wakanaka pachiso chako; kana vaIjipiti vachikuona, vachati, ‘Ndiye mukadzi wake’, vachandiuraya, asi iwe vachakurega uri mupenyu. Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti ndiitirwe zvakanaka nokuda kwako, kuti mweya wangu urarame nokuda kwako.” Zvino Abhuramu achisvika Ijipiti, vaIjipiti vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo. Namachinda aFarao akamuonawo, vakandomurumbidza kuna Farao; mukadzi akatorwa, akaiswa mumba maFarao. Akaitira Abhuramu zvakanaka nokuda kwake; waiva namakwai, nemombe, namakono emadhongi, navaranda, navarandakadzi, namadhongi echikadzi, namakamera. Asi Jehovha wakatambudza Farao neveimba yake namadambudziko makuru nokuda kwaSarai, mukadzi waAbhuramu. Zvino Farao wakadana Abhuramu akati, “Chiiko ichi chawakandiitira? Wakaregereiko kundizivisa kuti mukadzi wako. Wakarevereiko uchiti, ‘Ihanzvadzi yangu?’ Naizvozvo ndakamutora kuti ave mukadzi wangu; naizvozvo zvino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako.” Zvino Farao akaraira vamwe varume pamusoro pake, vakamuperekedza iye nomukadzi wake nezvose zvaakanga anazvo.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 12 SNA2002

Genesisi 12:10-20 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino nzara yakaŋga iri’po panyika iyo; Abrama ndokuɓurukira Egipita kundogara’ko; nokuti nzara yakaŋga iri huru panyika iyo. Ɀino wakati oɗa kupinda Egipita, akati kunaSarai, mukadzi wake: Tarira, ndinoziʋa kuti uri mukadzi wakanaka paciso cako; kana ʋaEgipita ʋacikuʋona, ʋacati: Ndiye mukadzi wake; ʋacandiʋuraya, asi iwe ʋacakurega uri mupenyu. Uti hako uri hanɀadzi yaŋgu, kuti ndiitirwe ɀakanaka nokuɗa kwako, kuti mŋeya waŋgu urarame nokuɗa kwako. Ɀino Abrama aciȿika Egipita, ʋaEgipita ʋakaʋona mukadzi kuti wakanaka kwaɀo. Namacinda aFarao akamuʋona ʋo, ʋakandomurumbidza kunaFarao; mukadzi akatorwa, akaiswa mumba maFarao. Akaitira Abrama ɀakanaka nokuɗa kwake; waiʋa namakwai, neŋombe, namakono emboŋgoro, naʋaranda, naʋarandakadzi, namakadzi emboŋgoro, namakamera. Asi Jehova wakatambudza Farao naʋeimba yake namaɗambudziko makuru nokuɗa kwaSarai, mukadzi waAbrama. Ɀino Farao wakaɗana Abrama, akati: Cinyiko ici cawandiitira — Wakaregereiko kundiziʋisa kuti mukadzi wako? Wareʋereiko uciti: Ihanɀadzi yaŋgu? Naiɀoɀo ndakamutora kuti aʋe mukadzi waŋgu; naiɀoɀo ɀino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako. Ɀino Farao akaraira ʋamŋe ʋarume pamsoro pake, ʋakamuperekedza iye nomukadzi wake neɀose ɀaakaŋga anaɀo.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 12 SUB1949

Genesisi 12:10-20 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Munyika iyoyo makaita nzara, shangwa chaiyo yenzara. Saka Abhuramu akaenda Ijipiti kumbondogarako. Kuzoti ava kusvika Ijipiti, Abhuramu akafanotaurira mudzimai wake Sarai achiti, “Iwe uri mukadzi akanaka kwazvo. Naizvozvo kana vaIjipiti vakakuona vachati, ‘Uyu mukadzi wake uyu,’ vakandiuraya, iwe vachikurega uri mupenyu. Chitoti zvako iwe uri hanzvadzi yangu ndiko kuti vatondiitira zvakanaka pamusana pako ndirege kuurayiwa.” Abhuramu paakasvika kuIjipiti, vaIjipiti vakaona kuti mukadzi wacho akanga akanaka kwazvo. Kuzoti machinda aFarao amuona akamurumbidza pana Farao. Mukadzi uya ndokubva atorwa akaendwa naye kumba kwaFarao. Pamusana paSarai, Farao akabata Abhuramu zvakanaka kwazvo, akava nehwai nemombe, namadhongi makono namakadzi navaranda vechirume nevechikadzi nengamera. Asi Tenzi akaunzira Farao navanhu veimba yake matambudziko makuru kwazvo pamusana paSarai mudzimai waAbhuramu. Farao akadaidza Abhuramu akati, “Chiiko ichi chawaita kwandiri.” Wakaregerereiko kundiudza kuti mukadzi uyu mudzimai wako? Seiko wakati, “Ihanzvadzi yangu, ndosaka ndakamutora kuti ave mukadzi wangu. Aiwa! Hoyu mudzimai wako. Chimutora ubve pano uende.” Farao akatuma vamwe vanhu vake kuti vaburitse Abhuramu nomudzimai wake munyika iyoyo, nezvinhu zvose zvavaiva nazvo vachimuperekedza.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 12 SCLB

Genesisi 12:10-20 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Genesisi 12 SCLBD