Genesisi 12:1-9
Genesisi 12:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akanga ati kuna Abhurama, “Siya nyika yako, vanhu vako neimba yababa vako uye uende kunyika yandichakuratidza. “Ndichakuita rudzi rukuru uye ndichakuropafadza; ndichaita kuti zita rako rive guru, uye iwe uchava ropafadzo. Ndicharopafadza vaya vanokuropafadza, uye ani naani anokutuka ndichamutuka; uye marudzi ose ari panyika acharopafadzwa kubudikidza newe.” Saka Abhurama akabva, sezvaakanga audzwa naJehovha; uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga ava namakore makumi manomwe namashanu okuberekwa paakasimuka kubva paHarani. Akatora mukadzi wake Sarai, mwanakomana womununʼuna wake Roti, pfuma yose yavakanga vava nayo, navanhu vavakanga vawana muHarani, uye vakasimuka vakaenda kunyika yeKenani, uye vakasvika ikoko. Abhurama akafamba nomunyika kusvikira panzvimbo yomuti mukuru weMore paShekemu. Panguva iyoyo vaKenani vakanga vari munyika. Jehovha akazviratidza kuna Abhurama akati, “Ndichapa nyika iyi kuvana vako.” Saka akavakira Jehovha aritari ipapo, iye akanga azviratidza kwaari. Kubva ipapo akaenda mberi akananga kuzvikomo zviri kumabvazuva kweBheteri uye akadzika tende rake ikoko, Bheteri riri kumavirira uye Ai riri kumabvazuva. Akavakira Jehovha aritari ipapo uye akadana kuzita raJehovha. Uye Abhurama akasimuka akaenda mberi akananga kuNegevhi.
Genesisi 12:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakati kuna Abhuramu, “Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza iyo; ndichakuita rudzi rukuru, ndichakuropafadza, ndichakudza zita rako, iwe uropafadze vamwe. Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza; unokutuka, ndichamutukawo; marudzi ose enyika acharopafadzwa mauri.” Naizvozvo Abhuramu wakaenda sezvaakaudzwa naJehovha; naRoti wakaenda naye. Abhuramu wakanga ana makore ana makumi manomwe namashanu pakubva kwake Harani. Abhuramu akatora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwanakomana womun'una wake, nepfuma yavo yose yavakanga vaunganidza, navana vavakanga vabereka paHarani, vakabuda kuenda kunyika yeKenani; vakandosvika kunyika yeKenani. Abhuramu akagura nenyika iyo akasvika panzvimbo inonzi Shekemu, pamuti womuouki weMore; nguva iyo vaKenani vakanga vari munyika iyo. Zvino Jehovha wakazviratidza kuna Abhuramu, akati, “Ndichapa vana vako nyika iyi;” akavakira Jehovha atari ipapo, iye wakanga azviratidza kwaari. Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuva aBheteri, akadzikapo tende rake; Bheteri rakanga riri kumavirazuva neAi kumabvazuva; akavakirapo Jehovha atari, akanamata Zita raJehovha ipapo. Kubva ipapo Abhuramu wakaramba achitamira kumavirazuva.
Genesisi 12:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Abhuramu kuti, “Chibva munyika mako, ubve mukati mehama dzako, usiye musha wababa vako utamire kunyika yandichakuratidza. Ndichakuita rudzi rukuru, ndichakukomborera. Ndichaita kuti zita rako rikurumbire, iwe uchiva chikomborero. Ndichakomborera vanokumborera. Vanoti uwirwe norushambwa, ndichivapinza murushambwa. Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.” Saizvozvo Abhuramu akasimuka akaenda sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Roti akaendawo naye. Abhuramu akanga ava namakumi manomwe amakore ana makore mashanu paakatama kuHarani. Abhuramu akatora mudzimai wake Sarai naRoti mwanakomana womunun'una wake, noupfumi hwake hwose hwaakanga awana navaranda vaakanga awana muHarani. Akasimuka achienda kuKanani. Kuzoti asvika kuKanani, Abhuramu akafamba nomunyika imomo akasvikogara kuShikemu pamuti womuoki. Panguva iyoyo vaKanani vakanga vagere munyika iyoyi. Tenzi akazozviratidza kuna Abhuramu akati, “Ndichapa nyika ino kuzvizvarwa zvako.” Naizvozvo akavakira atari Tenzi akanga azviratidza kwaari. Akabva ipapo akaenda kugomo riri kumabvazuva kweBhetieri. Akadzika matendhe ake panoti Bhetieri kumavirira, guta reAi nechokumabvazuva. Akavakira Tenzi atari ipapo, akanamata Tenzi. Abhuramu akaramba achienda nechokuNegevhu.
Genesisi 12:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakati kunaAbrama: Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yaɓaɓa ʋako, uende kunyika yandicakuratidza iyo; ndicakuita rudzi rukuru, ndicakuropafadza, ndicakudza zita rako, iwe uropafadze ʋamŋe. Ndicaropafadza iʋo ʋanokuropafadza; unokutuka, ndicamutuka ʋo; marudzi ose enyika acaropafadzwa mauri. Naiɀoɀo Abrama wakaenda seɀaakaʋudzwa naJehova; naRoti wakaenda naye. Abrama wakaŋga anamakore anamakumi manomŋe namashanu pakubva kwake Harani. Abrama akatora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mŋanakomana womunuŋuna wake, nefuma yaʋo yose yaʋakaŋga ʋaʋuŋganidza, naʋana ʋaʋakaŋga ʋaɓereka paHarani, ʋakaɓuɗa kuenda kunyika yeKanani; ʋakandoȿika kunyika yeKanani. Abrama akagura nenyika iyo akaȿika panɀimbo inonzi Shekemi, pamuti womuouki weMore; ŋguʋa iyo ʋaKanani ʋakaŋga ʋari munyika iyo. Ɀino Jehova wakaɀiratidza kunaAbrama, akati: Ndicapa ʋana ʋako nyika iyi; akaʋakira Jehova artari ipapo, iye wakaŋga aɀiratidza kwaari. Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuʋa aBeteri, akadzika’po tente rake; Beteri rakaŋga riri kumaʋirazuʋa neAi kumabvazuʋa; akaʋakira’po Jehova artari, akanamata Zita raJehova ipapo. Kubva ipapo Abrama wakaramba acitamira kumaʋirazuʋa.
Genesisi 12:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)