Genesisi 1:28-30
Genesisi 1:28-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari akavaropafadza akati kwavari, “Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika.” Ipapo Mwari akati, “Ndinokupai miriwo yose inobereka iri pamusoro penyika yose nemiti yose ine michero, ine mhodzi mukati mayo. Zvichava zvokudya zvenyu. Uye kumhuka dzose dzapanyika neshiri dzose dzedenga nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvose zvinofema, ndinozvipa miriwo minyoro kuti zvive zvokudya zvazvo.” Uye zvakaita saizvozvo.
Genesisi 1:28-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. Mwari akati: Tarirai, ndakakupai miriwo yose inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya zvenyu. Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika, zvinemweya woupenyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo.
Genesisi 1:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akavakomborera achiti, “Berekanai muwande, muzadze nyika, muitonge. Ivai noutongi pamusoro pehove dzomugungwa, neshiri dzedenga, nezvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika.” Mwari akati, “Chionai, ndakupai zvinomera zvose zvine mhodzi dzazvo zviri panyika, nemiti inobereka michero ine mhodzi kuti zvive chokudya chenyu. Asi ndapa zvinomera zvinyoro kumhuka dzesango neshiri dzose dzedenga, nezvinokambaira nokuzvova napasi, nezvinhu zvipenyu zvose zvinofema kuti chive chokudya chazvo,” zvikabva zvaita saizvozvo.
Genesisi 1:28-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari akaʋaropafadza, Mŋari akati kwaʋari: Ƃerekai, muwande, muzadze nyika, muɓate ʋushe pairi; muʋe nesimba pamsoro pehoʋe dzeguŋgwa, napamsoro peshiri dzeɗeŋga, napamsoro peɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika. Mŋari akati: Tarirai, ndakakupai miriʋo yose inoɓereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose inemicero yemiti inoɓereka mbeu, kuti ɀiʋe ɀokudya ɀenyu. Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzeɗeŋga, neɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika, ɀinomŋeya woʋupenyu, ndakaɀipa miriʋo yose minyoro, kuti ɀiʋe ɀokudya ɀaɀo; ɀikaita saiɀoɀo.
Genesisi 1:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)