Genesisi 1:27-28
Genesisi 1:27-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika mumufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. Mwari akavaropafadza akati kwavari, “Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika.”
Genesisi 1:27-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.
Genesisi 1:27-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi. Mwari akavakomborera achiti, “Berekanai muwande, muzadze nyika, muitonge. Ivai noutongi pamusoro pehove dzomugungwa, neshiri dzedenga, nezvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”
Genesisi 1:27-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMŋari; akaʋasika murume nomukadzi. Mŋari akaʋaropafadza, Mŋari akati kwaʋari: Ƃerekai, muwande, muzadze nyika, muɓate ʋushe pairi; muʋe nesimba pamsoro pehoʋe dzeguŋgwa, napamsoro peshiri dzeɗeŋga, napamsoro peɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika.
Genesisi 1:27-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi. Mwari akavakomborera achiti, “Berekanai muwande, muzadze nyika, muitonge. Ivai noutongi pamusoro pehove dzomugungwa, neshiri dzedenga, nezvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”