Genesisi 1:1-3
Genesisi 1:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika. Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura. Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.

Genesisi 1:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakutanga Mwari akasika denga nenyika. Nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika; Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura. Mwari akati: Chiedza ngachivepo, chiedza chikavapo.
Genesisi 1:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakutanga Mwari akasika denga napasi. Pasi pakanga pasati panyatsoumbwa, pasina chinhu. Rima rakanga rakaputira zigungwa, Mweya waMwari achidzengerera pamusoro pemvura. Mwari akati, Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.
Genesisi 1:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakutaŋga Mŋari wakasika ɗeŋga nenyika. Nyika yakaŋga isina-kugadzirwa, isinecinhu; rima rakaŋga riri’po pamsoro pemvura yakadzika; Mŋeya waMŋari wakaŋga acigarira pamsoro pemvura. Mŋari akati: Ciedza ŋgaciʋe’po, ciedza cikaʋa’po.
Genesisi 1:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)