Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 6:7-9 - Compare All Versions

VaGaratia 6:7-9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara. Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo. Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 6 BDSC

VaGaratia 6:7-9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti anodyarira nyama yake, achacheka kuora, kunobva panyama; asi anodyarira Mweya, achacheka upenyu husingaperi, hunobva kuMweya. Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 6 SNA2002

VaGaratia 6:7-9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Musanyeŋgerwa; Mŋari haasekwi; nokuti iɀo ɀinodɀara munhu, ndiɀo ɀaanoceka ɀe. Nokuti unodɀarira nyama yake, ucaceka kuʋora, kunobva panyama; asi unodɀarira Mŋeya, ucaceka ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgunobva kuMŋeya. Ɀino ŋgatirege kuneta pakuita ɀakanaka; nokuti tinozoceka neŋguʋa yakafanira, kana tisiŋgaʋori mŋoyo.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 6 SUB1949

VaGaratia 6:7-9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Musazvinyengedze nokuti Mwari haaitwi chiseko. Munhu zvaunodyara ndizvo zvaunokohwa. Munhu anodyara zvinonangana nomuviri wake, mumuviri iwoyo anozokohwamo kuora kwawo. Anodyarawo zvinonangana nemweya wake anokohwawo mumweya wake upenyu usingaperi. Ngatiregei kuneta kuita zvakanaka nokuti nenguva yacho tichazokohwa kana tikarega kurasa mwoyo.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 6 SCLB

VaGaratia 6:7-9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Musazvinyengedze nokuti Mwari haaitwi chiseko. Munhu zvaunodyara ndizvo zvaunokohwa. Munhu anodyara zvinonangana nomuviri wake, mumuviri iwoyo anozokohwamo kuora kwawo. Anodyarawo zvinonangana nemweya wake anokohwawo mumweya wake upenyu usingaperi. Ngatiregei kuneta kuita zvakanaka nokuti nenguva yacho tichazokohwa kana tikarega kurasa mwoyo.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 6 SCLBD