Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 6:7-18

VaGaratia 6:7-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Musazvinyengedze nokuti Mwari haaitwi chiseko. Munhu zvaunodyara ndizvo zvaunokohwa. Munhu anodyara zvinonangana nomuviri wake, mumuviri iwoyo anozokohwamo kuora kwawo. Anodyarawo zvinonangana nemweya wake anokohwawo mumweya wake upenyu usingaperi. Ngatiregei kuneta kuita zvakanaka nokuti nenguva yacho tichazokohwa kana tikarega kurasa mwoyo. Naizvozvo patinenge tangowaniswawo nguva yacho ngatiitei zvakanaka kumunhu ari wose wose, asi zvikuru kune vemhuri yechitendero chedu. Tarisai muone kuti ndiri kukunyorerai namabhi akakura sei uye ndichikunyorerai noruoko rwangu. Vanhu vanoda kuzvionesa nezvinoonekwa pamuviri ndivo vanokumanikidzai kudzingiswa vachingoitira chete kuti varege kutambudzirwa muchinjikwa waKristu. Kunyange ivo vacho vanodzingiswa havachengeti zvisungo zvomutemo. Asi vanoda kuti imi mudzingiswe kuti vawane mukurumbira nezvakaitwa pamuviri penyu. Kana ndirini, hazvifaniri kumbopinda mupfungwa dzangu kuti ndizvirovere dundundu chimwe chinhu kunze kwomuchinjikwa waTenzi Jesu Kristu wakaita kuti nyika ishaye maturo kwandiri sokurovererwa kwayo pamuchinjikwa uye kuti ini ndishaye maturo kwairi sokuroverwawo kwayo pamuchinjikwa. Kudzingiswa kana kusadzingiswa hakurevi chinhu asi chisikwa chitsva. Rugare nengoni ngazvive kune vose vanofamba nenzira iyi nekune vaIsiraeri vaMwari. Kubvira zvino ngaparege kuwana anonditambudza nokuti ndine mavanga aJesu. Chikomborero chokuitirwa nyasha naTenzi wedu Jesu Kristu ngachive nemi hama dzangu. Ameni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 6

VaGaratia 6:7-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)