VaGaratia 6:7-18
VaGaratia 6:7-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara. Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo. Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo. Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi. Tarirai kukura kwamavara andinoshandisa sezvo ndichikunyorerai imi noruoko rwangu! Avo vanoda kuzviratidza kuti vakanaka nechokunze vanoedza kukumanikidzai kuti mudzingiswe. Vanongoita izvi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu. Kunyange naivo vakadzingiswa havateereri murayiro, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vagozvikudza pamusoro penyama yenyu. Ini ngandirege kutongozvikudza kunze kwomumuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, uyo kubudikidza nawo nyika yakarovererwa kwandiri, uye ini kunyika. Kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvirevi chinhu; chinokosha ndiko kuva chisikwa chitsva. Rugare nengoni kuna avo vanotevera murayiro uyu, kunyange kuIsraeri yaMwari. Pakupedzisira, ngakurege kuva nomunhu anonditambudza, nokuti ndakatakura mumuviri wangu mavanga aJesu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.
VaGaratia 6:7-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti anodyarira nyama yake, achacheka kuora, kunobva panyama; asi anodyarira Mweya, achacheka upenyu husingaperi, hunobva kuMweya. Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo. Zvino zvatine nguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kuna veimba yokutenda. Tarirai, kukura kwamabhii andinokunyorerai nawo noruoko rwangu. Vose vanoda kunzi vakanaka pane zvinoonekwa panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; vanodaro bedzi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu. Nokuti kunyange vakadzingiswa, havachengeti murayiro vamene; asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu. Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku, asi bedzi mumuchinjikwa waIshe wedu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika. Nokuti kudzingiswa kana kusadzingiswa hachizi chinhu, asi chisikwa chitsva. Vose vanofamba nomurayiro uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, nenyasha, napamusoro pavaIsiraeri vaMwari. Kubvira zvino ngakurege kuva nomunhu anonditambudza; nokuti ndina mavanga aJesu pamuviri wangu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.
VaGaratia 6:7-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musazvinyengedze nokuti Mwari haaitwi chiseko. Munhu zvaunodyara ndizvo zvaunokohwa. Munhu anodyara zvinonangana nomuviri wake, mumuviri iwoyo anozokohwamo kuora kwawo. Anodyarawo zvinonangana nemweya wake anokohwawo mumweya wake upenyu usingaperi. Ngatiregei kuneta kuita zvakanaka nokuti nenguva yacho tichazokohwa kana tikarega kurasa mwoyo. Naizvozvo patinenge tangowaniswawo nguva yacho ngatiitei zvakanaka kumunhu ari wose wose, asi zvikuru kune vemhuri yechitendero chedu. Tarisai muone kuti ndiri kukunyorerai namabhi akakura sei uye ndichikunyorerai noruoko rwangu. Vanhu vanoda kuzvionesa nezvinoonekwa pamuviri ndivo vanokumanikidzai kudzingiswa vachingoitira chete kuti varege kutambudzirwa muchinjikwa waKristu. Kunyange ivo vacho vanodzingiswa havachengeti zvisungo zvomutemo. Asi vanoda kuti imi mudzingiswe kuti vawane mukurumbira nezvakaitwa pamuviri penyu. Kana ndirini, hazvifaniri kumbopinda mupfungwa dzangu kuti ndizvirovere dundundu chimwe chinhu kunze kwomuchinjikwa waTenzi Jesu Kristu wakaita kuti nyika ishaye maturo kwandiri sokurovererwa kwayo pamuchinjikwa uye kuti ini ndishaye maturo kwairi sokuroverwawo kwayo pamuchinjikwa. Kudzingiswa kana kusadzingiswa hakurevi chinhu asi chisikwa chitsva. Rugare nengoni ngazvive kune vose vanofamba nenzira iyi nekune vaIsiraeri vaMwari. Kubvira zvino ngaparege kuwana anonditambudza nokuti ndine mavanga aJesu. Chikomborero chokuitirwa nyasha naTenzi wedu Jesu Kristu ngachive nemi hama dzangu. Ameni.
VaGaratia 6:7-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musanyeŋgerwa; Mŋari haasekwi; nokuti iɀo ɀinodɀara munhu, ndiɀo ɀaanoceka ɀe. Nokuti unodɀarira nyama yake, ucaceka kuʋora, kunobva panyama; asi unodɀarira Mŋeya, ucaceka ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgunobva kuMŋeya. Ɀino ŋgatirege kuneta pakuita ɀakanaka; nokuti tinozoceka neŋguʋa yakafanira, kana tisiŋgaʋori mŋoyo. Ɀino ɀatineŋguʋa, ŋgatiitire ʋose ɀakanaka, ɀikuru kunaʋeimba yokutenda. Tarirai, kukura kwamaretere andinokunyorerai nawo noruʋoko rwaŋgu. Ʋose ʋanoɗa kunzi ʋakanaka pane‐ɀinoʋonekwa panyama, ndiʋo ʋanokuroʋererai kuti mudziŋgiswe; ʋanoɗaro ɓedzi kuti ʋarege kutambudzwa nokuɗa kwomucinjikwa waKristu. Nokuti kunyaŋge ʋakadziŋgiswa, haʋaceŋgeti murairo ʋamene; asi ʋanoɗa kuti imi mudziŋgiswe, kuti ʋaɀirumbidze panyama yenyu. Asi kana ndirini, ŋgandirege kutoŋgoɀirumbidza napaɗuku, asi ɓedzi mumucinjikwa waShe weɗu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroʋerwa pamucinjikwa kwandiri, neni ndakaroʋerwa kunyika. Nokuti kudziŋgiswa kana kusadziŋgiswa hacizi cinhu, asi cisikwa citȿa. Ʋose ʋanofamba nomurairo uyu, rugare ŋgaruʋe pamsoro paʋo, nenyasha, napamsoro paʋaIsraeri ʋaMŋari. Kubvira ɀino ŋgakurege kuʋa nomunhu unonditambudza; nokuti ndinamaʋaŋga aJesu pamuʋiri waŋgu. Nyasha dzaShe weɗu Jesu Kristu, ŋgadziʋe nomŋeya wenyu, hama dzaŋgu. Ameni.
VaGaratia 6:7-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)