VaGaratia 6:4-7
VaGaratia 6:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo, nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake. Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nounomudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka. Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara.
VaGaratia 6:4-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino munhu mumwe nomumwe ngaaedze basa rake amene, ipapo angazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe. Nokuti munhu mumwe nomumwe achafanira kutakura mutoro wake. Zvino anodzidziswa Shoko, ngaagovane noanodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka. Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaanochekazve.
VaGaratia 6:4-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu wose ngaazviongorore mabasa ake. Pakadaro chaanozozvirovera dundundu zvinhu zvinenge zviri maari pachake kwete zvokuzvienzanisa navamwe nokuti mumwe nomumwe ane zvinomuremera zvaanofanira iye pachake kutakurana nazvo. Munhu anenge achidzidziswa nomumwe shoko ngaagoverane zvinhu zvose zvakanaka nomudzidzisi wake. Musazvinyengedze nokuti Mwari haaitwi chiseko. Munhu zvaunodyara ndizvo zvaunokohwa.
VaGaratia 6:4-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaidze ɓasa rake amene, ipapo uŋgaɀirumbidza pamsoro pake iye amene oga, asiŋgaɀiiti pamsoro pomumŋe. Nokuti munhu mumŋe nomumŋe ucafanira kutakura mutoro wake. Ɀino unodzidziswa Shoko, ŋgaagoʋane nounodzidzisa paɀinhu ɀose ɀakanaka. Musanyeŋgerwa; Mŋari haasekwi; nokuti iɀo ɀinodɀara munhu, ndiɀo ɀaanoceka ɀe.
VaGaratia 6:4-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)