Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 6:2-6 - Compare All Versions

VaGaratia 6:2-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu. Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera. Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo, nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake. Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nounomudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 6 BDSC

VaGaratia 6:2-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murayiro waKristu saizvozvo. Nokuti kana munhu achiti, ndiri chinhu, asati ari chinhu, anozvinyengera iye. Zvino munhu mumwe nomumwe ngaaedze basa rake amene, ipapo angazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe. Nokuti munhu mumwe nomumwe achafanira kutakura mutoro wake. Zvino anodzidziswa Shoko, ngaagovane noanodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 6 SNA2002

VaGaratia 6:2-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saiɀoɀo. Nokuti kana munhu aciti, ndiri cinhu, asati ari cinhu, unoɀinyeŋgera iye. Ɀino munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaidze ɓasa rake amene, ipapo uŋgaɀirumbidza pamsoro pake iye amene oga, asiŋgaɀiiti pamsoro pomumŋe. Nokuti munhu mumŋe nomumŋe ucafanira kutakura mutoro wake. Ɀino unodzidziswa Shoko, ŋgaagoʋane nounodzidzisa paɀinhu ɀose ɀakanaka.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 6 SUB1949

VaGaratia 6:2-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Batsiranai mukutakura mitoro yenyu. Saizvozvo munobva mazadzisa mutemo waKristu. Kana munhu achizviti ndini pano iye pasina zvaari anozvinyengedza. Munhu wose ngaazviongorore mabasa ake. Pakadaro chaanozozvirovera dundundu zvinhu zvinenge zviri maari pachake kwete zvokuzvienzanisa navamwe nokuti mumwe nomumwe ane zvinomuremera zvaanofanira iye pachake kutakurana nazvo. Munhu anenge achidzidziswa nomumwe shoko ngaagoverane zvinhu zvose zvakanaka nomudzidzisi wake.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 6 SCLB

VaGaratia 6:2-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Batsiranai mukutakura mitoro yenyu. Saizvozvo munobva mazadzisa mutemo waKristu. Kana munhu achizviti ndini pano iye pasina zvaari anozvinyengedza. Munhu wose ngaazviongorore mabasa ake. Pakadaro chaanozozvirovera dundundu zvinhu zvinenge zviri maari pachake kwete zvokuzvienzanisa navamwe nokuti mumwe nomumwe ane zvinomuremera zvaanofanira iye pachake kutakurana nazvo. Munhu anenge achidzidziswa nomumwe shoko ngaagoverane zvinhu zvose zvakanaka nomudzidzisi wake.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 6 SCLBD