VaGaratia 5:22-25
VaGaratia 5:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi. Avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva. Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya.
VaGaratia 5:22-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, norufaro, rugare, mwoyo murefu, mwoyo munyoro, kunaka, kutendeka, unyoro, nokuzvidzora; hakuna murayiro unodzivisa zvinhu zvakadai. Asi avo vari vaKristu Jesu vakarovera pamuchinjikwa nyama yavo, pamwechete nokuda kwayo, nokuchiva kwayo. Kana tichirarama noMweya, ngatifambewo noMweya
VaGaratia 5:22-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Mweya anobereka muchero wokuti tive norudo norufaro norugare, tive nemwoyo murefu nomutsa nemwoyo wakanaka nokutendeka uye unyoro nokuzvibata. Hakuna mutemo unorwisana nezvakadai sezvizvi. Avo vanenge vari vanhu vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa humunhu hwavo nehavi dzahwo nezvido zvahwo. Kana Mweya ari iye anoita kuti tirarame; saizvozvo ngatichitungamirirwawo naMweya.
VaGaratia 5:22-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ciɓereko coMŋeya ndirwo ruɗo, nomufaro, norugare, nomŋoyo murefu, nomŋoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, noʋunyoro, nokuɀidzora: hakunomurairo unodziʋisa ɀinhu ɀakaɗai. Asi aʋo ʋari ʋaKristu Jesu ʋakaroʋera pamucinjikwa nyama, pamŋe cete nokuɗa kwayo, nokuciʋa kwayo. Kana ticirarama noMŋeya, ŋgatifambe ʋo noMŋeya
VaGaratia 5:22-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)