VaGaratia 5:16-18
VaGaratia 5:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo. Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro.
VaGaratia 5:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndinoti: Fambai noMweya, ipapo hamungaiti kuchiva kwenyama. Nokuti nyama inochiva ichirwa noMweya; noMweya uchirwa nenyama; nokuti izvi zvinorwisana; kuti murege kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamuzi pasi pomurayiro.
VaGaratia 5:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvandinoreva ndezvizvi, zvokuti tungamirirwai naMweya murege kufadza havi dzomuviri nokuti zvinodiwa nomuviri zvinorwisana nezvinodiwa naMweya. Zvinodiwawo naMweya zvinorwisana nezvinodiwa nehavi dzomuviri nokuti izvi zviri zviviri zvinorwisana zvichikutadzisai kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa naMweya hamuchisiri pasi pomutemo.
VaGaratia 5:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndinoti: Fambai noMŋeya, ipapo hamuŋgaiti kuciʋa kwenyama. Nokuti nyama inociʋa icirwa noMŋeya; noMŋeya ucirwa nenyama; nokuti iɀi ɀinorwisana; kuti murege kuita ɀamunoɗa. Asi kana mucituŋgamirirwa noMŋeya, hamuzi pasi pomurairo.
VaGaratia 5:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)