VaGaratia 5:13-22
VaGaratia 5:13-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo. Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.” Kana muchiramba muchirumana uye nokudyana, chenjererai kuti murege kuparadzana mumwe nomumwe wenyu. Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo. Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro. Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere; kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari. Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka
VaGaratia 5:13-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka; asi kusununguka kwenyu ngakurege kuva nzira yenyama, asi batiranai norudo. Nokuti murayiro wose unozadziswa neshoko rimwechete, rokuti, “Ida wokwako sezvaunozvida iwe;” asi kana muchirumana nokudyana, chenjerai kuti murege kupedzana. Zvino ndinoti: Fambai noMweya, ipapo hamungaiti kuchiva kwenyama. Nokuti nyama inochiva ichirwa noMweya; noMweya uchirwa nenyama; nokuti izvi zvinorwisana; kuti murege kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamuzi pasi pomurayiro. Zvino mabasa enyama anoonekwa, anoti: Upombwe, netsvina, nokukara nokunamata zvifananidzo, nouroyi, nokuvengana, negakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka, nokugodorana, nokuraradza, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai; izvo zvandinokuudzai zvino, sezvandakambokuudzai kare, kuti vanoita zvakadai havangadyi nhaka youshe hwaMwari. Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, norufaro, rugare, mwoyo murefu, mwoyo munyoro, kunaka, kutendeka
VaGaratia 5:13-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chandinodariro hama dzangu, ndechokuti makadanirwa rusununguko. Asi rusununguko rwenyu ngarurege kuva nzira yokuzvifadza. Asi shandiranai murudo nokuti zvisungo zvose zvomutemo zvinozadziswa nechirevo chimwechete chinoti: “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” Kana basa renyu rava sezvikara kurumana nokudyana munofanira kuzvingwarira nokuti mungatosvika pakupedzana. Zvandinoreva ndezvizvi, zvokuti tungamirirwai naMweya murege kufadza havi dzomuviri nokuti zvinodiwa nomuviri zvinorwisana nezvinodiwa naMweya. Zvinodiwawo naMweya zvinorwisana nezvinodiwa nehavi dzomuviri nokuti izvi zviri zviviri zvinorwisana zvichikutadzisai kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa naMweya hamuchisiri pasi pomutemo. Zvino mabasa enyama anooneka pachena, ndeaya anoti: upombwe nokuita zvakaora, kwouya kusazvibata nokunamata zvinhu zvisiri Mwari kwoti kuroya nokuvengana kwozoti kunetsana, nokuitirana shanje kwouyawo hasha, nokungozvifunga, kwozotiwo kupesana nokuita mapato anovengana uye kusafarira zvakanaka zvavamwe, uyezve kuraradza nokusazvibata kwezvidhakwa nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai sokukuyambirai kwandakamboita ndichiti vanoita zvakadai havawani nhaka youmambo hwamwari. Asi Mweya anobereka muchero wokuti tive norudo norufaro norugare, tive nemwoyo murefu nomutsa nemwoyo wakanaka nokutendeka
VaGaratia 5:13-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti imi, hama dzaŋgu, makaɗanirwa kusunuŋguka; asi kusunuŋguka kwenyu ŋgakurege kuʋa nzira yenyama, asi ɓatiranai noruɗo. Nokuti murairo wose unozadziswa neshoko rimŋe cete, rokuti: Uɗe wokwako seɀaunoɀiɗa iwe; asi kana mucirumana nokudyana, cenjerai kuti murege kupedzana. Ɀino ndinoti: Fambai noMŋeya, ipapo hamuŋgaiti kuciʋa kwenyama. Nokuti nyama inociʋa icirwa noMŋeya; noMŋeya ucirwa nenyama; nokuti iɀi ɀinorwisana; kuti murege kuita ɀamunoɗa. Asi kana mucituŋgamirirwa noMŋeya, hamuzi pasi pomurairo. Ɀino maɓasa enyama anoʋonekwa, anoti: Ʋupombge, netȿina, noʋutere, nokunamata ɀifananidzo, noʋuroyi, nokuʋeŋgana, negakaʋa, negoɗo, nokutsamŋa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka, nokugoɗorana, nokuɓatwa, nokutamba kwakaipa, neɀinhu ɀakaɗai; iɀo ɀandinokuʋudzai ɀino, seɀandakambokuʋudzai kare, kuti ʋanoita ɀakaɗai haʋaŋgadyi nhaka yoʋushe bgaMŋari. Ɀino ciɓereko coMŋeya ndirwo ruɗo, nomufaro, norugare, nomŋoyo murefu, nomŋoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka
VaGaratia 5:13-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)