VaGaratia 5:13-14
VaGaratia 5:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo. Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.”
VaGaratia 5:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka; asi kusununguka kwenyu ngakurege kuva nzira yenyama, asi batiranai norudo. Nokuti murayiro wose unozadziswa neshoko rimwechete, rokuti, “Ida wokwako sezvaunozvida iwe;”
VaGaratia 5:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chandinodariro hama dzangu, ndechokuti makadanirwa rusununguko. Asi rusununguko rwenyu ngarurege kuva nzira yokuzvifadza. Asi shandiranai murudo nokuti zvisungo zvose zvomutemo zvinozadziswa nechirevo chimwechete chinoti: “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.”
VaGaratia 5:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti imi, hama dzaŋgu, makaɗanirwa kusunuŋguka; asi kusunuŋguka kwenyu ŋgakurege kuʋa nzira yenyama, asi ɓatiranai noruɗo. Nokuti murairo wose unozadziswa neshoko rimŋe cete, rokuti: Uɗe wokwako seɀaunoɀiɗa iwe
VaGaratia 5:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)