VaGaratia 4:1-6 - Enzanisa Shanduro Dzose
VaGaratia 4:1-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvandinoreva ndezvokuti kana mudyi wenhaka achiri mwana, haana kusiyana nenhapwa, kunyange hazvo ari muridzi wezvinhu zvose. Ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa vake. Saizvozvowo, patakanga tiri vana, takanga tiri muutapwa pasi pezvokuvamba zvenyika. Asi nguva yakati yakwana, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana. Nokuda kwokuti muri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu, Mweya anodana achiti, “Abha, Baba.”
VaGaratia 4:1-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achiri mwana, haatongosiyani nomuranda, kunyange ari ishe wazvose; asi ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa. Saizvozvo nesuo, tichiri vana, takanga takasungwa pasi pezvokuvamba zvenyika; zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, kuti adzikinure vari pasi pomurayiro, kuti tipiwe umwana hwedu. Zvino zvamuri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo medu unodana, achiti, “Aba, baba!”
VaGaratia 4:1-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino ndinoti, mudyi wenhaka, kana aciri mŋana, haatoŋgosiyani nomuranda, kunyaŋge ari ishe waɀose; asi uri pasi paʋatariri naʋaceŋgeti kuȿikira paŋguʋa yakatarwa naɓaɓa. Saiɀoɀo nesu ʋo, ticiri ʋana, takaŋga takasuŋgwa pasi peɀokuʋamba ɀenyika; ɀino ŋguʋa yakati yazara kwaɀo, Mŋari akatuma Mŋanakomana wake, wakaɓerekwa nomukadzi, wakaɓerekwa pasi pomurairo, kuti adzikinure ʋari pasi pomurairo, kuti tipiwe ʋumŋana bgeɗu. Ɀino ɀamuri ʋanakomana, Mŋari wakatuma Mŋeya woMŋanakomana wake mumŋoyo meɗu, unoɗana, aciti: Aba, Ƃaɓa!
VaGaratia 4:1-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndinoti mugari wenhaka paanenge chete achiri mwana muduku, haana zvaanosiyana nomuranda nyangwe zvazvo ari iye muridzi wezvinhu zvenhaka zvose izvozvo. Asi achiri mumaoko avabereki navatariri kusvikira pazuva rakatarwa nababa. Ndizvozvowo zvinesu, pataiva vana vaduku takanga tiri varanda vemweya yomudenga'mu nezvapasi pano. Nguva payakakwana Mwari akatuma Mwanakomana wake akaberekwa nomukadzi. Akaberekwa ari pasi pomutemo kuti anunure vanhu vakanga vari pasi pomutemo kuti tiwane nhaka savana. Pamusana pokuti muri vana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu watinokwanisa naye kudaidza tichiti, “Abha, Baba.”
VaGaratia 4:1-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)