VaGaratia 3:2-3
VaGaratia 3:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa? Muri vokusafunga zvakadai seiko? Mushure mokunge mambotanga muMweya, zvino moda kuedza kupedzisa chinangwa chenyu nesimba ravanhu here?
VaGaratia 3:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ichochi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurayiro here, kana nokunzwa kwokutenda? Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here?
VaGaratia 3:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndingade kumbokubvunzai izvi chete zvokuti iyemi makagamuchira Mweya pamusana pezvisungo zvomitemo here kana kuti nokudavira zvamakanzwa? Kuzungairai kwakadai? Vanhu vakatangisa muMweya, ndimi mavakupedzesera munyama here?
VaGaratia 3:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iceci ɓedzi ndinoɗa kunzwa kwamuri: Makapiwa Mŋeya namaɓasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda? Muri ʋokusafuŋga ʋakaɗaro seiko? Makataŋga muMŋeya, ko ɀino mopedzisa munyama here?
VaGaratia 3:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)