Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 3:1-14 - Compare All Versions

VaGaratia 3:1-14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Imi vaGaratia vokusafunga! Ndianiko akakuroyai? Jesu akaratidzwa pachena akarovererwa pamuchinjikwa pamberi penyu chaipo. Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa? Muri vokusafunga zvakadai seiko? Mushure mokunge mambotanga muMweya, zvino moda kuedza kupedzisa chinangwa chenyu nesimba ravanhu here? Makatambudzika zvakadai pasina here, kana zvechokwadi zvakanga zviri pasina? Ko, Mwari anokupai Mweya wake uye achiita zvishamiso pakati penyu nokuda kwokuti munochengeta murayiro here, kana kuti nokuda kwokutenda zvamakanzwa? Fungai Abhurahama kuti, “Akatenda Mwari, uye zvikanzi kwaari ndiko kururama.” Nzwisisai zvino, kuti avo vanotenda ndivo vana vaAbhurahama. Rugwaro rwakaona zviri mberi kuti Mwari aizoruramisa veDzimwe Ndudzi nokutenda, uye rukazivisa zvevhangeri kare kuna Abhurahama kuti, “Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza newe.” Saka avo vanokutenda ndivo vakaropafadzwa pamwe chete naAbhurahama, murume wokutenda. Vose vanovimba nokuchengeta murayiro vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku roMurayiro.” Zviri pachena kuti hapana munhu anoruramisirwa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Vakarurama vachararama nokutenda.” Murayiro hauna kuvakwa pakutenda; asi hazvo, “Munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.” Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.” Akatidzikinura kuitira kuti kuropafadzwa kwakapiwa Abhurahama kugosvika kune veDzimwe Ndudzi kubudikidza naKristu Jesu, kuitira kuti nokutenda tigogamuchira chipikirwa choMweya.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 3 BDSC

VaGaratia 3:1-14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Imi vaGaratiya vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa? Ichochi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurayiro here, kana nokunzwa kwokutenda? Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here? Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo! Naizvozvo uyo anokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, anozviita izvo namabasa omurayiro here, kana nokunzwa kwokutenda? Abhurahamu sezvaakatenda kuna Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama. Naizvozvo zivai kuti vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu. NoRugwaro, zvarwakaziva zviri mberi, kuti Mwari acharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Vhangeri kare kuna Abhurahamu, ruchiti, “Mauri marudzi ose acharopafadzwa.” Naizvozvo vokutenda vanoropafadzwa pamwechete naAbhurahamu, akatenda. Nokuti vose vari vamabasa omurayiro, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubhuku yomurayiro, kuti vazviite.” Zvino, zvinoonekwa kuti hakuna munhu anoruramiswa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Akarurama achararama nokutenda.” Zvino murayiro haubvi pakutenda; asi uyo akaita zvinhu izvozvi achararama nazvo. Kristu akatidzikinura pakutuka kwomurayiro, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!” Kuti kuropafadzwa kwaAbhurahamu kusvike kuvahedheni muna Jesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda chipikirwa choMweya.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 3 SNA2002

VaGaratia 3:1-14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Imi ʋaGaratia ʋokusafuŋga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pacena pamberi pameso enyu akaroʋerwa pamucinjikwa? Iceci ɓedzi ndinoɗa kunzwa kwamuri: Makapiwa Mŋeya namaɓasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda? Muri ʋokusafuŋga ʋakaɗaro seiko? Makataŋga muMŋeya, ko ɀino mopedzisa munyama here? Makatambudzika ɀikuru mukaɗai pasina here? Kana ɀaiʋa pasina haɀo! Naiɀoɀo uyo unokupai Mŋeya, nokuita maɓasa esimba pakati penyu, unoɀiita iɀo namaɓasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda? Abrahama seɀaakatenda kunaMŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama. Naiɀoɀo ziʋai kuti ʋokutenda ndiʋo ʋana ʋaAbrahama. NoRugwaro, ɀarwakaziʋa ɀiri mberi, kuti Mŋari ucaruramisa ʋahedeni nokutenda, rwakaparidza Evaŋgeri kare kunaAbrahama, ruciti: Mauri marudzi ose acaropafadzwa. Naiɀoɀo ʋokutenda ʋanoropafadzwa pamŋe cete naAbrahama, wakatenda. Nokuti ʋose ʋari ʋamaɓasa omurairo, ʋari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ʋakatukwa ʋose ʋasiŋgarambiri paɀinhu ɀose ɀakanyorwa mubuku yomurairo, kuti ʋaɀiite. Ɀino, ɀinoʋonekwa kuti hakunomunhu unoruramiswa nomurairo pamberi paMŋari, nokuti: Wakarurama ucararama noku tenda. Ɀino murairo haubvi pakutenda; asi uyo wakaita ɀinhu iɀoɀi ucararama naɀo. Kristu wakatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa cakatukwa nokuɗa kweɗu, nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ʋakatukwa ʋose ʋanoturikwa pamuti! Kuti kuropafadzwa kwaAbrahama kuȿike kuʋahedeni munaJesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda cipikirwa coMŋeya.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 3 SUB1949

VaGaratia 3:1-14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Imi vaGaratia mava kupenga here imi? Asi makaroiwa? Inga wani makanyatsotsanangurirwa pachena nezvokurovererwa pamuchinjikwa kwaJesu. Ndingade kumbokubvunzai izvi chete zvokuti iyemi makagamuchira Mweya pamusana pezvisungo zvomitemo here kana kuti nokudavira zvamakanzwa? Kuzungairai kwakadai? Vanhu vakatangisa muMweya, ndimi mavakupedzesera munyama here? Kutambudzika kose uku makatambudzikira pasina here? Kana kunganzi chaizvoizvowo kutambudzikira pasina, ko iye anokupai Mweya Mutsvene achiita zvishamiso pakati penyu, anozviita pamusana pezvisungo zvomutemo here kana kuti nokunzwa nechitendero? Abhurahamu akatenda muna Mwari zvikamupa kunzi akarurama. Naizvozvo munozvionawo kuti vanhu vechitendero ndivo vana vaAbhurahamu. Magwaro Matsvene paakaona kuti Mwari anoruramisa marudzi nechitendero akafanoparidza Abhurahamu Shoko Rakanaka achiti, “Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.” Saizvozvo vanhu vechitendero vanokomborerwa pamwechete naAbhurahamu aiva nechitendero. Zviripo ndezvokuti vose vanovimba nezvisungo zvomutemo, vakarengererwa rushambwa nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Ngaawirwe norushambwa munhu wose asingarambe achichengeta zvose zvakanyorwa mubhuku romutemo achizviita.” Zvino zviri pachena kuti hapana munhu anoruramiswa nomutemo pamberi paMwari nokuti munhu anenge akaruramiswa pamusana pechitendero achararama. Asi mutemo haunei nechitendero nokuti munhu anotevedza mitemo anofanira kuraramiswa nayo. Asi Kristu nokuva anenge akarengererwa rushambwa akatinunura kurushambwa rwomutemo nokuti muMagwaro Matsvene makanyorwa kuti: “Akarengererwa anorushambwa munhu wose anoturikwa pamuti.” Izvi zvakaitirwa kuti muna Kristu Jesu, chikomborero chaAbhurahamu chiuyewo kune vechirudzi kuti tigamuchire chivimbiso chaMweya nechitendero.

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 3 SCLB

VaGaratia 3:1-14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

VaGaratia 3 SCLBD