VaGaratia 2:9-10
VaGaratia 2:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jakobho, Petro, naJohani, ivo vainzi mbiru, vakandimbunda ini naBhanabhasi noruoko rworudyi rwokuwadzana pavakaona nyasha dzandakanga ndapiwa. Vakabvuma kuti tinofanira kuenda kune veDzimwe Ndudzi, uye ivo vaende kuvaJudha. Zvavakangokumbira zvakanga zviri zvokuti isu tirambe tichirangarira varombo, chinova ndicho chinhu chandaidisa kuita.
VaGaratia 2:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
vakati vaona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohani avo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBhanabhasi namaoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa; vakada chete kuti tirangarire varombo; ndizvo zvandakashingairirawo kuti ndizviite.
VaGaratia 2:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jemusi naKefasi naJohani vainzi vakuru vakuru vacho, vaona kuti ndakapiwa chikomborero chebasa iri, vakaratidza kuva vamwe neni naBhanabhasi nokukwazisana kwatakaita navo noruoko rworudyi; izvi zvikareva kuti isu ndisu toenda kunevechirudzi ivo vachienda kuna vakadzingiswa. Asi vaida kuti tiyeuke varombo, chiri icho chinhu chandaitodisisa kuita.
VaGaratia 2:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ʋakati ʋaʋona nyasha dzandakaŋga ndapiwa, Jakobo, naKefasi, naJohane — aʋo ʋainzi mbiru — ʋakatiɓata isu tose naBarnabasi namaʋoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuʋahedeni, iʋo kunaʋakadziŋgiswa; ʋakaɗa cete kuti tiraŋgarire ʋarombo; ndiɀo ɀandakashiŋgairira ʋo kuti ndiɀiite.
VaGaratia 2:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)