VaGaratia 2:3-5
VaGaratia 2:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi kunyange naTito, akanga aneni, haana kumanikidzwa kuti adzingiswe, kunyange zvazvo akanga ari muGiriki. Nyaya iyi yakamutswa nokuda kwedzimwe hama dzenhema dzakanga dzapinda munzvimbo dzedu kuti vazosora rusununguko rwatinarwo muna Kristu Jesu uye kuti vagotiita nhapwa. Hatina kuvapa mukana napaduku, kuitira kuti chokwadi chevhangeri chigare mamuri.
VaGaratia 2:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi naTito, waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe; nokuda kwehama dzenhema, vakanga vapinzwa nokunyanga, vakanga vapinda pakavanda, kuti vashore kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatisunge; hatina kuvatsedukira ivava, tichivateerera kunyangwe nguva imwechete; kuti chokwadi cheVhangeri chirambe chichigara nemi.
VaGaratia 2:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kunyange Titosi akanga aneni haana kumanikidzwa kuti adzingiswe kunyange zvazvo aiva muGiriki. Asi nokuda kwehama dzechipameso dzakapinzwa muchivande kuzosora rusununguko rwedu rwatinarwo muna Kristu Jesu kuti dzitipinze muuranda. Hatina kubvuma zvavaida kunyange napaduku zvapo, tichiitira kuti chokwadi cheShoko Rakanaka chichengeterwe imi.
VaGaratia 2:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi naTito, waiʋa neni, ari muGiriki, haanakuroʋererwa kuti adziŋgiswe; nokuɗa kwehama dzenhema, ʋakaŋga ʋapinzwa nokunyaŋga, ʋakaŋga ʋapinda pakaʋanda kuti ʋashore kusunuŋguka kweɗu kwatinako munaKristu Jesu, kuti ʋatisuŋge; hatina‐kuʋatseɗukira iʋaʋa, ticiʋaterera ŋguʋa imŋe; kuti ɀokwaɗi yeEvaŋgeri irambe icigara nemi.
VaGaratia 2:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)