VaGaratia 2:15-20
VaGaratia 2:15-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Isu tiri vaJudha pakuzvarwa uye hatisi vatadzi ve‘Dzimwe Ndudzi’ uye tinoziva kuti munhu haaruramisirwi nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tiruramisirwe nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu acharuramisirwa nokuchengeta murayiro. “Kana tichitsvaka kuti kururamisirwa muna Kristu, zvikazoonekwa kuti isu pachedu tiri vatadzi, zvinoreva here kuti Kristu anosimudzira chivi? Kwete napaduku! Kana ndikavakazve chandakamboputsa, ndinoratidza kuti ndiri mudariki womurayiro. Nokuti kubudikidza nomurayiro ndakafa kumurayiro kuitira kuti ndiraramire Mwari. Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.
VaGaratia 2:15-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Isu vaJudha pakuzvarwa kwedu, tisati tiri vatadzi vanobva kuvahedheni, zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurayiro, asi nokutenda kuna Kristu Jesu, nesuo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kuna Kristu, tirege kururamiswa namabasa omurayiro; nokuti hakuna munhu acharuramiswa namabasa omurayiro. Zvino kana isu pakutsvaka kwekururamiswa muna Kristu, tikawanikwa tiri vatadziwo timene, ko Kristu wava mushumiri wezvivi here? Haisva! Nokuti kana ndikavakazve izvo zvandamboputsa, ndinozviita mudariki. Nokuti nomurayiro ini ndakafa kumurayiro, kuti ndirarame kuna Mwari. Ndakaroverwa pamuchijikwa pamwechete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari, akandida, akazvipa nokuda kwangu.
VaGaratia 2:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Isu iyesu, zvizvarwa zvechiJudha, tisiri vechirudzi, vatadzi, tinoziva kuti munhu haaruramiswi nezvisungo zvomutemo, asi nechitendero muna Jesu Kristu. Kunyangewo isu takatenda wani muna Kristu Jesu kuti tiruramiswe nechitendero muna Kristu kwete nezvisungo zvomutemo nokuti hapana anoruramiswa nezvisungo zvomutemo. Zvino kana isu mukushingairira kuti tiruramiswe muna Kristu; kana iyesu pachedu towanikwa tava vatadzi, ko zvino Kristu ava honzeri yechitadzo here? Hazvisizvo, kwete. Zvino kana ndava kuvakazve zvinhu zvandambopaza ndinobva ndazviita mudariki womutemo. Kuno mutemo, ndakangoita somunhu akafa kwauri kuti ndiraramire Mwari. Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naKristu. Handichisiri ini ndiri mupenyu asi kuti Kristu ndiye avakugara mandiri. Upenyu hwandinahwo somunhu ndinohugara pamusana pechitendero chandinacho muMwanakomana waMwari akandida akapira upenyu hwake nokuda kwangu.
VaGaratia 2:15-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Isu ʋaJuda pakuɀarwa kweɗu, tisati tiri ʋatadzi ʋanobva kuʋahedeni, ɀatinoziʋa kuti munhu haaruramiswi namaɓasa omurairo, asi nokutenda kunaKristu Jesu, nesu ʋo takatenda kunaKristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kunaKristu, tirege kururamiswa namaɓasa omurairo; nokuti hakunenyama icaruramiswa namaɓasa omurairo. Ɀino kana isu pakutȿaka kweɗu kururamiswa munaKristu, tikawanikwa tiri ʋatadzi ʋo timene, ko Kristu waʋa mushumiri weɀiʋi here? Haiȿa! Nokuti kana ndikaʋaka ɀe iɀo ɀandamboputsa, ndinoɀiita muɗariki. Nokuti nomurairo ini ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kunaMŋari. Ndakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naKristu; handiciri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama ɀino, ndinorarama nokutenda kuri muMŋanakomana waMŋari, wakandiɗa, akaɀipa nokuɗa kwaŋgu.
VaGaratia 2:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)